Accessibility links

Breaking News

Malaria Youraya Vanhu Vakawanda Kunyangwe Vazhinji Vari Kungotaura ZveCovid-19


Seekor nyamuk Aedes aegypti betina ditampilkan dalam foto Center for Disease Control (CDC) tahun 2006. (Foto: REUTERS/James Gathany/CDC/Handout via Reuters)

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti zvirwere zvakaita semalaria zviri kuuraya vanhu vakawanda kunyangwe vakawanda vari kungotaura nezvekurwisa chirwere cheCovid-19.

Mumwe mugari wemuHarare, Va Phibion Rukwata, vanoti humhutu huri kuruma vanhu masikati machena chaiwo munzvimbo dzakasiyana siyana zvokuti vakawanda vanogona kunge vari kuvhiringirwa hutano hwavo.

VaRukwata vanoti kusatakurwa kwemarara kuri kuitika munzvimbo dzakawanda ndiko kuri kukonzera kuti humhutu huwandise nokuti marara aya ari kutadzisa kufamba kwakanaka kwemvura inofanira kuyeredzwa mumadhireni.

Nyanzvi munyaya dzehutano, Doctor Josephat Chiripanyanga, vanoti ichokwadi kuti makanzuru ose emunyika akaremerwa zvakanyanyisa zvokuti haana zvekushandisa zvakaringana zvokuti afirite nzvimbo dzine humhutu.

Doctor Chiripanyanga vanoti munhu wese anofanirwa kuzvidzivirira kuitira kuti asarumwa nehumhutu.

Doctor Chiripanyanga vanoti kana munhu aona kuti anenge ava kurwara neMalaria, anofanirwa kuenda kunorapwa nekukurumidza nokuti denda iri rinokwanisa kukokawo mamwe matenda anodhura kurapa.

Doctor Chiripanyanga vanoti nzira huru yekudzivirira malaria kuparadza nzvimbo dzinogona kuberekerwa mazai nehutunga kana humhutu, uye kuzvidzivirira kubva mukurumwa kuburikidza nekuzvivhara nemabure anodzvirira humhutu panguva yekurara, kana kupfungaidza mishonga inodzinga humhutu.

Doctor Chiripanyanga vanoti vanhu vanofanira kupfeka mbatya dzinovhara maoko nemakumbo panguva dzemanheru kana vari munzvimbo dzinonetsa nehumhutu.

Nzvimbo dzinonetswa nehumhutu zvakanyanya dzinosanganisira Mt Darwin, Dande, Mutoko, Gokwe, Mutare, Mudzi, Chikombedzi neHwange.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kukanzuru yeHarare, kanawo bazi rezvehutano kuti vanhu vangani vabatwa nechirwere ichi muHarare nemunyika yose kubva zvakatanga mwaka wekunaya kwemvura.

Asi nyanzvi munayaya dzehutano dzinoti Malaria chimwe chezvirwere zvinovhiringa zvakanyanya vana vari pasi pemakore mashanu, pamwe nemadzimai anenge akazvitakura.

Chirwere ichi chinotanga kusimudza musoro muZimbabwe kubva muna Kukadzi, chichizonetsa mumwedzi yaKubvumbi naChivabvu.

Gore rapera, chirwere ichi chakauraya vanhu mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri, 392, uye vanhu zviuru mazana matatu nemakumi masere nezvipfumbamwe nezana nemumwe chete, 389 101, vakabatwa nechirwere ichi gore rapera.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG