Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eAfrica Junior Tennis Championships Qualifiers Oenderera Mberi

Makwikwi emutambo weAfrica Junior Tennis Championships Zonal Qualifiers, ayo akatanga nemusi weSvondo, ari kuenderera mberi neChina muHarare.

Nyika pfumbamwe dzemuAfrica dziri kusvaga nyanzvi dzichakwanisa kuenda kumitambo yekupedzisira yemakwikwi aya kuNigeria muna Kubvumbi.

Vatambi vechidiki vane makore gumi nemana kusvika pamakore gumi nematanhatu, avo vanosanganisira vasikana nevakomana, vari mumakwikwi aya.

Murairidzi wetenesi, Va Martin Dzuwa, vanoti vari kufadzwa nemafambiro ari kuita makwikwi aya pari zvino.

This item is part of
XS
SM
MD
LG