Accessibility links

Breaking News

Makurukota Otora Mhiko Vakawanda Vachiti Ngavagadzirise Hupfumi hweNyika


Dare remakurukota

Makurukota ehurumende nevatevedzeri vavo nemusi weMuvhuro vakatora mhiko yekutanga basa vachivimbisa kushanda zvakasimba mukugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vakatanga kutora mhiko igurukota rezvemari Munzvinafundo Mthuli Ncube avo vakati vachatora matanho akati kuti kugadzirisa hupfumi hwenyika. Vati vachashanda nemabhanga akaita seWorld Bank Africa Development Bank nenyika dzese dzakakweretwa neZimbabwe kuti vagadzirise nyaya yechikwereti chenyika.

Vatiwo vachagadzirisa nyaya dzemashandire emabhanga munyika pamwe nekuunganidza mari mudura rehurumende vachiti kana izvi zvikange zvaitika hapana chinotadzira kuti nyika itange kushandisa zvakare dhora remuZimbabwe.

Gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vati maguta, madhorobha nemaruwa akakosha pahupfumi hwenyika uye hapana munhu angauye kuzosima mari munyika kana maguta asina mvura, migwagwa nezvimwe.

Vaenderera mberi vachiti bazi ravo rakatopedza mutemo wekuumba hurumende dzematunhu uye vangomirira kuti paramende itange basa kuti ipasise mutemo uyu.

Gurukota rezvekudzivirwa kwenyika pamwe nevakarwa hondo yesununguko, Amai Oppah Muchinguri –Kashiri vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kupihwa basa rekudzivirira nyika sezvo pasina munhu kana kambani ingade kusima mari munyika musina kugadzikana.

Vatiwo basa ravo richavarerukurira zvikuru sezvo vakashanda nevakuru vakuru vemauto panguva yehondo yerusununguko.

Gurukota rezvehutano VaObadiah Moyo vakati chiga chavo chekutanga kurwisa chirwere checholera icho chave kupararira nenyika. Asi vanoti chikuru chinodiwa kutsvaka mari kusimudzira zvipatara zvese munyika.

Hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka uye nyanzvi dzinoti hurumende yaVaMangangwa inofanira kusunga dzisimbe.

VaMnangagwa vanotarisirwa kudoma vanyori vemapazi ehurumende achashanda nemakurukota akatanga basa neMuvhuro.

Vakatorawo mhiko vatedzeri vemakurukota gumi nevana, makurukota mapfumbamwe ematunhu kozotiwo makurukota maviri emumahosifi evatevedzeri vemutungamiriri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG