Accessibility links

Breaking News

Makombi Okwidza Mutengo kuChinhoyi Sezvo Mabhazi eZUPCO Ave Mashoma


Zupco
Zupco

Vamwe vashandi vemuChinhoyi vanoti vave kunonoka kumabasa sezvo vave kufamba netsoka nekuti mabhazi eZUPCO ave kuita mashoma mumigwagwa zvichienzaniswa nepaakatanga.

Mitsetse yakawanda yevanhu vanenge vakamirira bhazi reZUPCO yave kutanga mangwanani gwanani kusvika pakati pemangwanani asi mabhazi aya ave kutakura vanhu vashoma sezvo vave kushanda nguva shoma.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaPercy Munyaka vanoti dambudziko ravo rekuenda kubasa nenguva ravainge vafunga kuti rapera nekuuya kwakaita mabhazi eZUPCO radzoka.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Merjory Pawani vanoti vave kugara vakanonoka kubasa. Mushandi weZUPCO muChinhoyi VaObert Tigere vanoti mabhazi avo ari kuwandirwa sezvo vanhu vakawanda vachimhanyira kwaari nekuti anokwirwa nemari yakaderera.

VaTigere vanoti vari kunetswawo nemafuta edzimotokari sevamwe vose uye pane dzimwe nguva mabhazi avo anombohayiwa.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakataurira vagari vekuBanket nguva shoma yapfuura kuti hurumende yavo iri kuziva kuti mabhazi mashoma vakati vari kutenga mamwe mabhazi kuti akwane nzvimbo dzose munyika sezvo riri basa ravo kuona kuti vanhu vafamba kuenda kumabasa nemari dzakadzika.

Mabhazi eZUPCO anokwirwa nedhora rimwe chete rebhondi kubva kunogara veruzhinji kusvika mudhorobha asi makombi anoita madhora matatu kana mana ukuwo tumotokari tudiki twunozivikanwa nekuti Tsviriyo twuchikwirwa nemadhora manomwe.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG