Accessibility links

Breaking News

Makereke Oita Musangano weKukurudzira Nhaurirano muNyika


Reverend Doctor Kenneth Mtata
Reverend Doctor Kenneth Mtata

Masangano emakereke, anosanganisa Catholic Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches, Evangelical Fellowship of Zimbabwe ne Union for Development of the Apostolic Churches in Zimbabwe, achaita musangano wemazuva maviri kutanga neChishanu achitarisa mamiriro akaita zvinhu munyika uye kuronga gwara nezvinofanirwa kuitwa mukukokera nhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Izvi zvinotevera musangano mukuru wakadaidzwa nevemakereke ukapindwa nevanhu vazhinji kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasina kuenda kumusangano uyu.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, Reverand Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu unotarisirwa kubuda nezvirongwa zvekukokera nhaurirano idzo dzavanoti dzinofanirwa kuitwa pachena uyezve pachakurukurwa pamusoro peavo vachakokera nhaurirano idzi.

“Vemakereke, mushure memusangano wataita weNational Leadership Breakfast, vakabvumirana kuti hutungamiri hwavo hunosangana kupera kwesvondo rino kutarisa zvinodiwa kuitwa panhaurirano zvigovatungamira kuti kana vachikokera munhaurirano idzi vanenge vane donzvo rimwe chete,” Reverend Doctor Mtata vaudza Studio 7.

Vakaenderera mberi vachiti, “Tiri kuita musangano uyu musi weChishanu nemusi weMugovera kuti zvinenge zvabvumiranwa zviendeswe kumakereke pakati pesvondo riri kuuya kuti zvikwaniswe kutambirwa navose vanenge vari munhaurirano idzi pakati pemwedzi waKubvumbi.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG