Accessibility links

Breaking News

Makambani Makuru Obatsira Vakashaya muNjodzi Yakaitika Pedyo neMumugwagwa weMutare-Harare neMugovera


Muna 2018 vamwe vannhu makumi mana nevanomwe vakafa mushure mekunge mabhazi abonderana mumugwagwa uyu zvekare.
Muna 2018 vamwe vannhu makumi mana nevanomwe vakafa mushure mekunge mabhazi abonderana mumugwagwa uyu zvekare.

Mukuru mubazi rinoona nezvenjodzi reCivil Protection Unit VaNathan Nkomo vanoti nhasi vabatana negurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Doctor Ellen Gwaradzimba kuenda panzvimbo yakaitikira tsaona yakauraya vanhu gumi nevatanhatu nezuro.

Izvi zvakatevera kubonderana kwebazi reGeneral Bande nerori pedyo nemusha wekwaShamu mumugwagwa weHarare-Mutare nezuro.

VaNkomo vati vanhu gumi vakashaya vatokwanisa kuzivikanwa uye hama dzavo dzepedyo dzaziviswa. Vanhu gumi nevatatu vakafira pakaitikira njodzi vamwe vatatu vakafira kuchipatara.

Makambani akaita seNyaradzo, Doves neEconet anonzi ari kubatsira hama dzevakafa nekukuvara munjodzi iyi. VaNkomo vativo hurumende nevemamwe makambani vari kubatsira vakawirwa netsaona ava.

Hurukuro naVaNathan Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Vanelson chamisa vatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri dzakafirwa uye dzine hama dzakakuvara mutsaona iyi.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG