Accessibility links

Breaking News

Midziyo Inobiwa muMahofisi eAfrican Consolidated Resources


Mahofisi aya akapazwa apo vakuru ve MMCZ vainga vachigadzirira kutakura mangoda akacherwa kwaMarange kuti aendeswe kunochengetedzwa nebhanga guru renyika sezvakatarwa nedare.

Mahofisi ekambani yeAfrican Consolidated Resources, ACR, mu Harare akapazwa neChipiri nevanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndevanani. Vakaita izvi vanonzi vakatanga vasunga vanhu vaichengetedza mahofisi aya, ndokuvarova vasati vapinda mumahofisi aya zvechisimba.

Mahofisi aya akapazwa zuva rakacheka nyika, uye ari pedzyo nemuzinda mukuru wemapurisa muHarare, zvinova zviri kushamisa vazhinji. Midziyo yemuhofisi nezvimwe zvinokosha, izvo zvinosanganisira motokari itsva, zvakatorwa, asi motokari inonzi yazowanikwa yakasiyiwa panzira neChitatu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa. Asi gweta re ACR, VaJonathan Samkange, vauudza Studio7 kuti vanofunga kuti vanhu vakapaza mahofisi aya hadzisi mbavha.

Zvichakadaro, nzvimbo itsva dzine mangoda dzinonzi dzawanikwa kuChipinge nedzimwe nzvimbo dziri muChimanimani.

Bepanhau re Herald rinoti vanhu vava kuita chipatapata kuenda kumangoda aya.
VaFarai Maguwu ndivo Executive Director ve Centre for Research and Development, sangano rinoshanda riri mudunhu reManicaland.

VaMaguwu vanoti havasati vaenda kuminda inonzi inne mangoda, kunyange hazvo vari kutambira mashoko akadai.

XS
SM
MD
LG