Accessibility links

Breaking News

Magweta Oronga Kuendesa Hurumende kuMatare neNyaya yeMapasipoti


Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights (ZLHR) nemusi weChina akanyorera tsamba bazi rezvemukati menyika achiriy ambira kuti rimise hurongwa hwaro hwekuda kumanikidza vanhu kutora maposipoti matsva richiti kutyora bumbiro remitemo.

Hurumende yakazivisa kuti mapasipoti ese akatorwa musi wa 14 Zvita gore rino usati wasvika acharega kushanda musi 31 Zvita gore rinouya sezvo munhu wese anenge ave kusngirwa kutora E-Passport achiti danho iri harina musoro.

Danho iri rakaziviswa muStatutory Instrument 273 yegore rino iyo yakashandiswa kuparura maE-Passport nemusi weChipiri svondo rino.

Mutsamba yavo kugurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe , ZLHR inoti kunyange hazvo ichitsigira chirongwa chekuti vanhu vapihwe mapasipoti echizvino zvino, danho rakatorwa nehurumende rinodzvinyirira vanhu vakatora mapisipoti musi wa14 usati wasvika sezvo mapasipoti aya aifanira kushanda kwemakore gumi.

Vati vamwe vakatotora mapasipoti svondo rino chairo vachibhadhara mazana matatu emadhora ekuAmerica uye kuomesera vanhu ava kuti vatore maE-Passport zvakare gore rinooya.

Gweta reZLHR, muzvare Tinomuda Shoko vaudza Studio 7 kuti zvaitwa nehurumende izvi hazvina musoro uye zvinoratidza hutsinye kuvanhu.

Kusvika musi weChipiri hurumende yange iri kupa vanhu mapasipoti anoita mazana matatu emadhora eku America.

Asi kutanga musi kubva hurumende pakaparurwa maE-Passport, pasipoti yechimbimbi yave kuita mazana maviri emadhora ekuAmerica kozoti imwe yave kuita zana remadhora ekuAmerica.

Asi pamusoro pemari iyi vanhu vanofanira kubhadhara madhora makumi maviri ekuAmerica kuti kubhanga reCBZ kuti vawane mapasipoti avo.

ZHLR inoti apa hapana kujeka kuti bhanga reCBZ rinopinda panyaya dzemapasipoti sei bumbiro remutemo richiti ibasa rehurumende kupa vanhu mapasipoti.

Muzvare Shoko vanoti danho rehurumende haraifaniri kuenderera mberi kudzamara yapa tsanangudzo inogutsa uye tsanangudzo iyi inofanira kuuya mukati memazuva maviri ari kutevera.

Vanoti kana hurumende ikasapindura tsamba yavo, vachakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Mumwe mugari wemuHarare, VaTrey Hwiza vaudza Studio 7 vaitarisira kuti mutengo wemapasipoti uchadzika.

Vanotiwo semaonero avo vanhu vanofanira kushandisa mari yemuno kutora mapasipoti.

Amai Cynthia Phiri vaudza Studio 7 kuti danho rehurumende iri rakakanakira vasina mapasipoti asi vakatiwo mutengo wawo uchakakwira.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe vange vasiri kudairi nhare mbozha yavo.

Kutora pasipoti munyika kwave nemakore kuchinetsa zvekuti vanhu vanorara mumitseta pamhofisi aRegistrar General vachida kutora mapasipoti.

Hurumende inoti zvirango zvehupfumi zvayakatemerwa nenyika dzekumavirira ndizvo zvange zvichiita kuti itadze kana kunonoka kuwana zvinodiwa kugadzira mapasipoti.

Asi inoti kuparurwa kwee-passport kuchaita kuti ikwanise kugadzira mapasipoti akawanda pazuva zvekuti munhu wese anoda pasipoti achaiwana nyore.

Parizvino pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni matanhatu zvine mapasipoti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG