Accessibility links

Breaking News

Dare Ropa Mutongo neMuvhuro paChikumbiro chaVaMaguwu


Mutungamiri we Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vasvitsa chikumbiro kudare repamusoro re High Court neChina chekuti vatongwe vachibva kumba. Asi dare rati richapa mutongo waro neMuvhuro. Va Maguwu vari kupomerwa mhosva yokuburitsa mashoko emanyepo anonzi nehurumende anokanganisa chimiro chayo hurumende.

Zvichakadaro, komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa inoti yakundikana zvakare kuenda kuminda yemangonda kwaMarange kunoongorora zviri kuitika kwaChiadzwa. Komiti iyi inoti haina kupihwa mvumo nemukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, avo vanonzi vanga vasiri pabasa nhasi.

Asi mutevedzeri wavo, Va Innocent Matibiri, vati VaChihuri hava zvavasiya vataura.

Gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vaudza Studio7 kuti ivo hapana chavanogona kuita nekuti mvumo yekupinda nzvimbo dzakachengetedzwa se Chiadzwa inobva kubazi rezvemukati menyika.

Vati vashandi vebazi ravo vanotokumbirawo mvumo kubazi iri. Va Moses Mare inhengo yekomiti iyi uye vachimirira Chiredzi South mudare reparamende. VaMare vanoti vanzi nevakuru vemapurisa vadzokezve neChishanu pamwe VaChihuri vanenge vadzoka.

XS
SM
MD
LG