Accessibility links

Breaking News

Maguta Madiki Akaita seKariba Ovhiringidzwa Zvakanyanya neCovid-19


Chirwere cheCovid-19 chave kuvhiringidza dunhu reMashonaland West zvichitevera kufa kwevanhu vana, vamwe makumi mashanu nemumwechete vachibatwa nechirwere ichi mudunhu diki reKariba.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reKariba VaMuza vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muKariba sezvo vakawanda vave kufa.
VaMuza vanoti parizvino vave kubatsirwa nekanzuru yeKariba nemamwe masangano akazvimirira kudzidzisa vanhu vemunharaunda yavo nezvechirwere cheCovid-19.

Kufa kwevanhu vana uku kwakakwidza huwandu hwevanhu vafa mudunhu reMashonaland West kusvika pavanhu makumi matatu nevaviri.

Nzvimbo yeMhangura iyo yanga isina munhu akambobatwa nechirwere cheCovid-19 gore rapera inonzi yave nevanhu makumi maviri nevatatu izvo zvasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi mudunhu pavanhu mazana matanhatu nemakumi masere nevatatu kana kuti 683.

Zvichakadaro, danho rehurumende rekuti vanhu vanenge vafa neCovid-19 vavigwe kwavafira iri kutambirwa zvakasiyana siyana munyika.

Asi VaPeter Nhambu vanoti zvaitwa nehurumende hazvina chakaipa sezvo nyaya yekuvigwa isineyi nenzvimbo.

Pasati pataurwa mashoko aya neSvondo vanhu makumi matatu ndivo vaibvumirwa kuungana parufu vachiviga munhu chero kwavanoda.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG