Accessibility links

Breaking News

Marara neSuweji Zvoshandiswa Mukugadzira Magetsi kuMbare


Chirongwa chekanzuru yeHarare chekugadzira magetsi pachishandiswa marara nemvura yemasuweji mumusha weMbare chiri kutambirwa zvakanaka nevagari vemunzvimbo iyi.

Mumwe mugari wekuMbare, VaHilliary Jowa, vanoti chirongwa chekugadzira magetsi ichi chiri kuvawanisawo mabasa izvo zvoita kuti vakwanise kuchengeta mhuri dzavo.

Izvi zvatsigirwawo naVaTonderai Tawonezvi vatiwo pamusoro pekuva nemabasa kugadzirwa kwemagetsi nenzira yakadai kuchabatsirawo kuchenesa musha weMbare izvo zvinozodzivirira zvirwere zvemanyoka zvakaita secholera netyphoid.

Nyanzvi mune zvemagetsi vachishanda kuHarare City Council, VaCalvin Chigariro, vanoti chirongwa chekubika magetsi kubva mutsvina chichadzidzisa vagari vemuMbare kuti marara ane mari.

VaChigariro vatiwo kanzuru inenge ichitengesera magetsi aichabika aya kukambani inoona nezvemoto yeZESA.

VaChigariro vanoti chirongwa chekuMbare ichi ndechekutanga kanzuru ichishandisa marara mukubika magetsi. Chirongwa ichi chinotarisirwa kubudisa magetsi anosvika 100 Kilovolts-amps (KVA) kutanga kwa Gunyana.

VaChigariro vanoti kanzuru ine hurongwa hwekubika magetsi munzvimbo dzakasiyana-siyana kusanganisira kuPomona uko kunorasirwa marara emuguta reHarare.

Chirongwa cheBoigas chiri kubatsirwa nemari yakabva kusangano reEuropean Union.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG