Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzirwa Kutsvaga Rubatatsiro neChimbi Chimbi Vakabatwa Chibharo Kuti Vasatapurirwe Zvirwere


Madzimai nevanasikana vari kukurudzirwa kuti vamhan’are kumapurisa kana kuenda kukirinika inobatsira vanenge vabatwa chibharo yeAdult Rape Clinic chiri paParirenyatwa kuitira kuti vawane nechimbichimbi rubatsiro runodzivirira kutapurirwa zvirwere zvepabonde uye kupodzwa marwadzo epfungwa.

Kurudziro iyi iri kuitwa nemumwe mushandi mukuru wepaAdult Rape Clinic, Amai Phepisiwe Muranda, avo vanoti munhu wese ane kodzero dzokuwana rubatsiro pachena pakiriniki yavo, zvikuru vanasikana avo vanotyisidzirwa kuti vasaudze ani naani zvake, sezvo vanhu vazhinji vanombunyikidza vana ava, vari vanhu vehukama.

Amai Muranda vanoti zvakakosha kuti munhu anenge abatwa chibharo kuti vawane rubatsiro nechimbi chimbi, kusati kwapfuura mazuva matatu, nokuti vakasadaro, vanozoona vave kurwara nematenda akasiyana siyana anosanganisira zviwere zvepabonde uye kana kutobata pamuviri pasina kurongwa.

Amai Muranda vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinotadzisa vanenge vabatwa chibharo kuti vabude pachena nokuti vanopandukirwa nevemhuri dzavo izvo zvinozoita kuti vanyarare nemarwadzo avo okubhinywa.

Asi Amai Diana Mailosi, avo vanoshanda nesangano reCompass, vanoti kune zvimhinga mupinyi zvakawanda zvinokonzera kuti vasikana vasabude pachena kana vabatwa chibharo.

Amai Mailosi vanoti mimwe mitemo inotadzisa kuti vasikana ava vabude pachena nezvenyaya idzi nokuti mitemo iyi inovasungira kuti vaperekedzwe kuchipatara nemubereki.

Vanoti vana mazuva ano vari kutanga zvebonde pavanenge vachiita mahumbwe koita vaye vanobhinywa nevanhu vokuziva vemumhuri avo vanoshaya kuti vomhang’ara nyaya iyi sei nokuti kazhinji anenge ari munhu wepadhuze chaipo.

Amai Mailosi vanoti vana vakawanda havazivi kana dzidziso dziri maererano nekubhinywa nedzimwe nyaya dzepabonde zvinova zvimwe zviri kutadzisa vana vari pasi pezera vashaye rubatsiro.

Baba Raymond Mazhambe, avo vanoshanda nesangano reSexual Reproductive Health and Africa Rights, vanoti vanosangana nenyaya dzekubhinywa kwevanjukadzi mubasa ravanoita mumatunhu akasiyana siyana munyika.

Mukuru weVictims Friendly Unit muZimbabwe Republic Police, Superitendent Francis Mutema, vanoti munhu wese anenge asangana nedambudziko rakadai anokwanisa kuenda kuzvipatara, makiriniki kana kumasangano akazvimirira akasiyana siyana avanoshanda navo pakururerutsa matambudziko evanenge vabatwa chibharo.

Superitendent Mutema vanoti kunyange hazvo vasina kukwanisa kupa Studio 7 huwandu hwevanhukadzi vari kubhinywa pagore, vanosangana nenyaya idzi kakawanda zvokuti vanotodzifambisa nechimbichimbi kuitira kuti vakwanise kuendesa vakadzi ava kunorapwa nekukurumidza kuitira kuti vasabata pamuviri nekutapurirwa zvirwere zvepabonde.

Sangano reUnicef rinoti vanasikana vanodarika makumi manomwe ezviuru, 70 000, vanobata pamuri vozonobiswa mimba idzi mumikoto, izvo zvinokwanisa vhiringidza hutano hwavo, kana kutofa.

Masangano anoshanda nevanhukadzi muZimbabwe munyaya dzekumbuyikidzwa kwevakadzi anosanganisira Adult Rape Clinic, Musasa, Women Lawyers Association, Women’s Action Group, Shamwari Yemwana Sikana, Padare nemamwe akawanda anoita dzidziso dziri maringe nekubhinywa kwevanhukadzi mumatunhu akawanda enyika.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG