Accessibility links

Breaking News

Madzimai Okurudzirwa Kurapwa Mapundu emuChibereko Kana Kuti maFibroids Sezvo Vachigona Kuzotadza Kuita Mbereko


Madzimai zvikuru vechitema vari pakati pe zvikamu makumi mana nemakumi matanhatu vanosangana nedambudziko rekuita mapundu muchibereko kana kuti uterine fibroids zvinozopa kuti vamwe varasikirwe neropa rakawanda kana kutoshaya mbereko.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti chirwere ichi chinokwanisa kurapika chisati chakomba.

Nyanzvi munyaya dzehutano hwemadzimai Dr Chinamora Charles Mutevhe vanoti mapundu emuchibereko aya anorapika nenzira dzakasiyana siyana zvichiendera nekuvhiringika kunenge kwaitika muchibereko macho.

Kunyangwe chirwere ichi chichikwanisa kurapika, mamwe madzimai akaita saAmai Tevvia Muroro vanoti mari inoda kusvika mazana matanhatu yekuAmerica inodiwa kuti varapqwe Havana sezvo vasiri kushanda. Vanoti vakamboyedza kuda kunorapwa pachena kuzvipatara zvehurumende asi vakasangana nematambudziko.

Doctor Mutevhe vatsinhirawo kuti maoparesheni ekubvisa chibereko anodhura chaizvo zvokuti vamwe vanachiremba vave kutodzikisa mari yakatarwa nesangano reAssociation of Healthcare Funders of Zimbabwe, kana kuti AHFoZ inosvika chiuru chemadhora ekuAmerica kana kuti USD 1 000,nokuti varikuona kuti varapwi vazhinji havasi kukwanisa kuiwana;

Mukuru weZimbabwe National Practitioners Association Bishop Cuthbert Nyaruvenda vanoti vanosangana nevakadzi vakawanda vane mapundu emaFibroids zvokuti vamwe vacho vanoratidzika sokunge vakazvitakura. Vaendera mberi vachiti nhengo dzesangano ravo dzinokwanisa kurapa mapundu aya kana asati anyanya kurasa ropa rakawandisa.

Muimbi ane mukurumbira wekuridza mbira, Hope Mazike, mumwe wemadzimai akabuda pachena kuti aiva nemapundu emaFibroids muchibereko zvokuti kwakatombofamba runyerekupe rwokuti aiva nenhumbu.

Masike audza Studio 7 kuti akabhadhara chiremba madhora anosvika mazana manomwe kana kuti USD700 yeoparesheni asi aendera mberi achiti kune zvimwe zvaakarapwa zvakazosvitsa mari kuzviuru zvitatu zvemadhora kana kuti USD3 000.

Masike ataura kuti mari yakadai haiwanike nyore akaendera mberi achiti anorwadziwa nemadzimai ose ane dedambudziko iri nokuti rinovhiringidza hutano uye nekushungurudzika zvakanyanya nokuti ropa rinongoendera mberi richibuda nguva dzose.

Dr Mutevhe vanoti ongororo yakaitwa munyika inoti mukadzi mumwechete kubva pachiuru chevakadzi kana kuti 1 to 1000 ane mapundu muchibereko anozoguma aita gomarara remuchibereko.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG