Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ane Varume Vanoshanda paHwange Colliery Anoti VaMnangagwa Havana Hany'a Navo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Madzimai evashandi vekuHwange Colliery, avo vakasvitsa mazuva makumi mapfumbamwe nematanhatu nezuro vachiratidzira vachitsutsumwa nekusabhadharwa kwevarume vavo, vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina hany’a nevashandi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nezuro, sachigaro wemadzimai aya, Amai Claris Ngoma, vakati VaMnangagwa vanotaura zvavasingaiti.

Amai Ngoma vakati vanhu vakawanda vava kunonga svosve nemuromo kuHwange, uye vava kutadza kuchengeta mhuri dzavo.

Amai Ngoma vakatiwo nekuda kwehurombo munharaunda yavo, vana vavo vave kuroorwa vachiri vadiki senzira yekutsvaka cheuviri.

Mutauriri weHwangwe Women on Demo, Amai Thobekile Shoko, vakati vari kuda kuti kambani yeHwange ipe varume vavo mari yemakore mashanu apera kuti vawane raramo.

Amai Shoko vakati hapana musiyano pakati pehurumende yaVaMnangagwa nevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pakusaterera zvichemo zvevanhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaMichael Kandukutu, vanoti hurumende itsva haina hany’a nevashandi nemhuri dzavo.

Kambani yeHwange Colliery inonzi ine mari dzeveshandi dzinosvika kumamiriyoni makumi manomwe emadhora.

Studio7 haina kukwanisa kubata vakuru vekambani yeHwange Colliery kuti tinzwe divi ravo.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kugurukota rezvevashandi, Amai Petronella Kagonye, kuti tinzwe pamire hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG