Accessibility links

Breaking News

Madzimai Aishungurudzwa Mudzimba Owana Raramo neKutengesa Huku


Mamwe madzimai emudunhu reMashonaland West ayishungurudzwa mudzimba akawana rubatsiro rwekudzikamisa pfungwa kana kuti counseling pamwe nemari dzekuvamba mabasa ekuzvishandira nemaoko vanoti hupenyu hwavo hwashanduka.

Madzimai aya avekusvika makumi matanhatu ari kupfuya huku dzekutengesa mazai pasi pechirongwa chinotsigirwa nesangano rakazvimirira reFamily Aids Caring Trust kana kuti FACT rinoshandawo neNational Aids Council-NAC-pasi pechirongwa chinonzi Safe Place.

Mumwe mudzimai wekuNorton Amai Chenai Chipuriro avo vairohwa nemurume wavo pose paaidzoka kumba akadhakwa vanoti hupenyu hwavo hwashanduka zvakanyanya kubva zvavakatanga kuchengeta huku dzemazai ayo vanotengesa vachiwana mari yekutenga zvekudya izvo vaigaro netsana nemurume wavo.

Mumwewo mudzimai ari kuchengeta nekutengesa huku ndiAmai Irene Gweshe vanoti vave kukwanisa kuriritira mhuri yavo. Asi vanoti dambudziko guru rinoita kuti mhirizhonga iwande mudzimba kushaikwa kwezvekudya.

Amai Shupikai Chiwashira vanotiwo vainge vave nechirwere chemoyo kana kuti BP nekuda kwekushungurudzwa vanoti vave kunzwa zviri nani kubva zvavatanga kuzviitira mabasa avo emaoko.

Mukuru weFACT mudunhu reMashonaland West, Amai Virginia Tausa vanoti Safe Place chirongwa chinosangana madzimai nevanavasikana vachikurukura matambudziko avanosangana nawo mudzimba.

Amai Tausa vanoti sangano ravo rakaona kuti kubatsira madzimai nemashoko chete pasina chekubata hakuna zvakunobatsira.

Chirongwa ichi chakatanga nehuku zana nemakumi mashanu dzakapihwa madzimai gumi nevashanu avo vakadzichengeta ndokuwanda kusvika pamazana manomwe namakumi mashanu.

Vakapawo mamwe madzimai gumi nevashanu huku zana nemakumi mashanu kuti vatangewo bhizimisi ravo. Izvi ndizvo zvinoitika nguva dzose zvopa kuti madzimai akawanda awane chouviri.

Amai Tausa vanoti madzimai akashungurudzwa chete ndiwo anopinda muchirongwa ichi.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG