Accessibility links

Breaking News

MaBishopu eRoma Anoti Akamirira Mhinduro Kuna VaMnangagwa Havateereri Amai Mutsvangwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa

Mabhishopu ekereke yeRoma anoti akamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa patsamba yavakanyora vachiti mhinduro yegurukota ezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa havaitambire.

Mabhishopu manomwe ekereke yeRoma achimirira matunhu avo akanyora tsamba kana kuti Pastoral Letter achitaura kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika.

Mabhishopu aya anoti Father Robert Ndlovu vemuHarare, Father Alex Thomas vekuBulawayo, Father Paul Horan vekwaMutare, Father Michael Bhasera vekuMasvingo, Father Albert Serrano vekuHwange, Father Rudolf Nyandoro vekuGokwe naFather Raymond Mupandasekwa vemuChinhoyi.

Mutsamba iyi vakuru veRoma munyika ava vanoti havasi kufara nekwavanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kusamira zvakanaka kwenyaya dzezvehupfumi nematongerwa enyika vachiyambira hurumende kuti kurambidza vanhu kutaura zvavanoda kunoita kuti zvinhu zvirambe zvichioma munyika.

Vachidzokorora mashoko egamba rekurwira kodzero dzevanhu muAmerica muchakabvu John Lewis, mabishopu aya akati pachine rwendo kuti zvakarwirwa nevanhu muhondo zvizadzikiswe kana kuti β€œThe March is Still On.”

Munyori mukuru nemutauriri wemabhishopu Father Fredrick Chiromba vanoti mashoko ekunyomba akapindurwa naAmai Mutsvangwa mashoko avanoti haasi ehurumende vachiti vaitaura zvavanofunga vega.

Father Chiromba vanoti vari kutarisira kupindurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mbune sezvo nyaya dzavakataura dziine chekuita nechimiro chenyika yose.

Vachipindura mabhishopu aya neMugovera, Amai Mutsvangwa vakati mabhishopu aya ayinge apindwa nemweya wetsvina wekuda kupesanisa vanhu pamwe nekuda kuti marudzi apandukirane sezvakaitika kunyika yeRwanda mugore ra1994 kukafa vanhu vanosvika zviuru mazana masere.

Patabvunza Amai Mutsvangwa kuti vachiri kumira nemashoko avo here uye kuti mashoko avo anomirira hurumende here, vati tivatumire mibvunzo pambozhanhare sezvo vari kubvunzwa nevanhu vakawanda, asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura.

Asi mukuru wezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati vanomira naAmai Mutsvangwa.

Asi mabhishopu aya awana rutsigiro kumasangano emakereke akawanda anosanganisira Zimbabwe Divine Destiny-ZDD, Evangelical Fellowship of Zimbabwe-EFZ- neZimbabwe Council of Churches-ZCC ayo anoti chokwadi chinofanirwa kutaurwa zvisinei kuti chinobata ani.

VaMagaya veZimbabwe Divine Destiny vanoti vanotsigira zvikuru gwaro rakanyorwa nemabhishopu eRoma vachiti gwaro iri riri kutaura
zvakaitika uye zviri kuitika sezvo paine vanhu nhasi vari mutirongo vasina mhosva asi vamwe vakapara mhosva vasiri muhusungwa

Mabhishopu aya anopedzisira mugwaro ravakanyora vachiti vanoshuvira runyararo munyika, kutaurirana pamwe nekubatana kwevanhu vachivaka nyika pamwe chete izvo vanoti hazvisi kuitika parizvino.

Hakasi kekutanga mabhishopu achinyora gwaro rekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika sezvo vakambonyora gwaro rakadai apo vaimbove mutungamiri wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe avo vaive mukatorike vachitonga.

Muhurumende, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga uye mutauriri webato reZanu-PF VaPatrick Chinamasa inhengo dzekerereke yeRoma.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG