Accessibility links

Breaking News

Mabhesi eZANU-PF Onyuka kuMidlands neMatabeleland South


Mabhesi anoshandiswa ne ZANU-PF mukushungurudza vanhu anonzi atanga zvakare kuvakwa munzvimbo dzakaita seZvishavane neMberengwa mudunhu re Midlands.

Sangano reBulawayo Agenda rinoti mamwe emabhesi aya atangwa kuvakwa zvakare kwaChirumanzi, munzvimbo inomirirwa naVaEmmerson Mnangagwa mudare reparamende

Bulawayo Agenda inoti vechidiki vari kupinzwa basa muchiuto kuHoly Cross.

Ukuwo bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinotiwo kuPlumtree kwava nebhesi rakavakwa, izvo zvava kupa kuti vagari vemunzvimbo iyi vagare vachitya.

Mumiriri weMkoba muparamende, Va Amos Chibaya, vanoti ichokwadi kuti vanhu vemudunhu reMidlands vava kugara vakatya sezvo mabhesi achivafungisa zvakaitika mumhirizhonga yemuna 2008.

XS
SM
MD
LG