Accessibility links

Breaking News

Prince Harry naMuzvare Markle Vanochata


Prince Harry naMuzvare Meghan Markle vachichata.

Zuva guru raPrince Harry vekuBritain naMuzvare Meghan Markle razosvika, apo vaviri ava varoorana neMugovera muguta reWindsor riri kunze kweLondon.

Prince Charles, baba VaPrince Harry, ndivo vafamba nesvitsa vachinoipereka kumurume vayo.

Merghan, uyo anove chizvarwa cheAmerica, uye aimboitawo zvemitambo yemafirimu, atenda kuti baba vake vanga vasingakwanise kuvepo pamuchato wake nekuda kwehutano hwavo husina kuita zvakanaka.

Zviuru zvevanhu zvaungana muguta iri apo vaviri ava vanga vachibatanidzwa, zvichipa makomborero azvo, vamwe vachiedzawo kuona vachati ava.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG