Accessibility links

Breaking News

Bhanga reMadzimai Riri Kurongwa Rokonzera Mutauro


Hurumende irikuvaka bhangi remadzimai
Hurumende irikuvaka bhangi remadzimai

Sachigaro we MDC-T Women’s Assembly, Amai Linette Karenyi, vanoti zvese zviri kurongwa nehurumende zvekuita bhanga revanhukadzi munyika zvakanangana neavo vanotsigira Zanu-PF chete, kwete veruzhinji rwevanhu vemu Zimbabwe.

Mashoko aAmai Karenyi anotevera mashoko egurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Nyasha Chikwinya veZanu PF, avo vakati hurumende ichavhura bhanga rekubatsira vemabhizimusi vechidzimai gore rino risati rapera.

Asi bato re MDC-T rinoti zvese izvi ndezvemanyepo nekuti kana sarudzo dzave kuuya, Zanu-PF inovimbisa zvinhu zvakawanda asi zvichizotsakatika mushure mesarudzo.

“Isusu semadzimai eMDC-T, hatina kumbovhunzwawo pamusoro pechirongwa ichi chekubatsira madzimai,” Amai Karenyi vakaudza Studio 7. “Takambonzwa zvichitaurwa naMinister Chikwinya asi isu hatina kumbovhunzwawo kuti tipe mazano kana phungwa dzedu.”

Amai Karenyi vakuridzira madzimai kuti varwire kodzero dzavo vachiti hurumende haifanire kushandisa mari yeruzhinji rwese rweZimbabwe kuitira vatsigiri vayo zvinhu zvisingaitirwe vamwe vese vemunyika ino.

Hurukuro naAmai Linette Karenyi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG