Accessibility links

Breaking News

VaLeo Mugabe Vanoti Sekuru Vavo Vachavigwa neHama Dzavo


Leo Mugabe, Nephew of Former President Nelson at the Blue Roof
Leo Mugabe, Nephew of Former President Nelson at the Blue Roof

Muzukuru mukuru wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, anoti semhuri wakawirirana kuti mutumbi wasekuru wavo uchaivigwa nehama dzavo pahurongwa husina hurumende.

VaLeo Mugabe vati hurumende ichatungamira hurongwa hwekufa kwaVaMugabe kusvika nemusi weMugovera, apo pachauya vanyarikani vachabva kunyika dzakasiyana siyana vachionekana nemurume akatonga Zimbabwe kwemakore makumi matatu nemanomwe.

Asi VaLeo Mugabe havana kuda kuzivisa veruzhinji kuti VaMugabe vachavigirwa kupi, uye musi upi.

Asi vati nzvimbo ichavigwa VaMugabe ichaziviswa nemusi weMogovera, uye kuvigwa kwavo kuchaitwa nehama dzavo chete.

VaMugabe, avo vakaita kuti vamwe vavigwe paHeroes Acre mhuri dzavo dzisingadi, vanonzi vakati havadi kuvigwa panzvimbo inovigwa magata sezvo vakanga vasiri kufara nemabvisirwo avakaitwa pachigaro muna Mbudzi 2017.

VaMugabe vakamanikidzwa kubva pachigaro nemauto aitungamirwa nevaive mukuru wemauto, VaCoinstantino Chiwenga, avo vanova mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika pari zvino.

VaChiwenga vari kurapwa vari kuChina.

VaMugabe vakashayikira kuSingapore svondo rapera mushure mekurwara kwenguva yakareba.

Vakaenda kuSingapore muna Kubvumbi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG