Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mapato Akasiyana Anogona Kushandisa Zita Rakafanana Musarudzo


Zimbabwe opposition leader Douglas Mwonzora addressing journalists in Harare on May 4, 2021 (VOA/Columbus Mavhunga)
Zimbabwe opposition leader Douglas Mwonzora addressing journalists in Harare on May 4, 2021 (VOA/Columbus Mavhunga)

Nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinoti hapana mutemo unopa Zimbabwe Electoral Commission kuramba kutambira mapato maviri ane zita rimwe chete kuti akwikwidze musarudzo kunyange hazvo zvichivhiringa vanhu vanovhota

Mashoko aya anotevera danho rakatorwa neMDC-T, iro rakanyorera Zimbabwe Electoral Commission richiti ndiro richange richishandisa zita rekuti MDC Alliance musarudzo dzichaitwa munyika.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaAndrew Makoni, vaudza Studio 7 kuti pasi pemutemo weElectoral Act zvinogoneka kuti mapato maviri akwikwidze sarudzo achishandisa zita rimwe chete asi achishangisa mifananidzo yakasiyana.

Asi VaMakoni, avo vanova nyanzvi munyaya dzemitemo, vanoti kushandisa zita rimwe chete kunogona kuvhiringa vavhoti.

VaMakoni vatiwo sangano ravo rinokatyamadzwa kuti MDC inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora, iyo yakaita kuti dzimwe nhengo dzidzingwe mudare reNational Assembly pamwe nemumakanzuru akasiyana siyana vachipomerwa mhosva yekuzviti nhengo dzeMDC Alliance, yava kudzokera zvakare kusarudzo ichishandisa zita rimwe chete.

VaMakoni vatiwo vanokurudzira kuti Zimbabwe Electoral Commission inyorese mapato nemazita awo kuitira kudzivirira dambudziko rakadai.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaOstallos Siziba, varamba kutaura nezvenyaya yezita iyi vachiti titaure nemutauriri webato ravo, Muzvare Fadzai Mahere, avo vanga vasingadairi nharembozha yavo patanga tichivafonera.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau nezuro muHarare, VaMwonzora vakati ndivo varidzi vezita rekuti MDC Alliance, uye ndiro zita ravachashandisa musarudzo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika nesarudzo, VaSydicks Muradzikwa, vatiwo vanoona sekuti pari kuitwa shayisano pamapato maviri aya senzira yekuvhiringa vavhoti.

Vachibvunzwa kuti vachanyoresa here mapato aya ari maviri nezita rimwe chete, mutauriri weZEC, Amai Leticia Kazembe, vaudza Studio7 kuti vange vari pamusangano kuVictoria Falls vakati titumire mibvunzo yedu iyo vati vachapindura kana vawana mukana wekuita izvi.

Asi pataenda pamhepo, vanga vasati vatipa mhinduro yavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG