Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eMukombe WeCastle Lager Premier League Obvira Moto


Platinum FC
Platinum FC

Zvikwata zvese zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League zvakakunda mumitambo yazvo zvichisiya pasina shanduko muhutungamiri hwemakwikwi aya.

Dynamos ndiyo yamira pachinhanho chakasimba pazvikwata zviri kurwira mukombe weligi uyu mushure mekukunda mumutambo wavo weChishanu wakateverana nekurova Yadah 2-0 nezvibodzwa zvakakandwa na Ocean Mushure pamwe naChristian Epoupa muRufaro Stadium nemusi weSvondo.

MaDembare asiiwa nemapoinzi matatu chete nechikwata chiri kutungamira makwikwi aya cheChicken Inn uyezve nemapoinzi maviri nechikwata chiri pachinhanho chechipiri cheNgezi Platinum Stars.

Asi maGlamour Boys ane mitambo miviri iyo vasati vatamba zvekuti vakakunda mumitambo iyi vanoenda pamusoro pegungano iri nemapoinzi matatu.

Vanotevera Dynamos vari kufara zvikuru nematambiro arikuita chikwata chavo icho chakazvambura How Mine 6-0 chichitevera nekurova Yadah 2-0 kechipiri mwaka uno kuti chikwire muhutungamiri hwemakundano aya kusvika pachave parizvino. Mumwe wevanofarira Dynamos ndi muzvare Felistas Musapenda.

Dynamos yave namapoinzi makumi mana nemashanu kubva mumitambo makumi maviri nemumwechete, asi Chicken Inn ndiyo ichiri pamusoro nemapoinzi makumi mana nemasere mushure mekurova Hwange 1-0 muBarbourfiels Stadium.

Murairidzi wemaGame Cocks, Rahman Gumbo, anoti havasi kutarisa matambiro arikuita Dynamos kana Ngezi Platinum Stars achiti iye chinangwa chavo ndechekukunda mumitambo yavo vozoona kuti vanosvika papi.

Asi murairidzi weNgezi Platinum Stars Tonderai Ndiraya abuda pachena kuti chinangwa chavo ndechekutora mukombe weligi vachisimbisa izvi nekurova kwavakaita Highlanders 3-0 muBaobab Stadium neMugovera.

Ndiraya anoti vakagara pasi ndokutarisa pakasimba Highlanders nepaisina ndokuirongera kuti vanoipaza sei.

Kukundwa uku kwasiya Highlanders yadzikira zvikuru kusvika pachinzvimbo chechi nomwe mugungano rezvikwata gumi nezvisere iri.

Vanofarira Bosso havasisina chivimbo nechikwata chavo zvekuti zvemukombe vatokanganwa mushure mekutanga makundano aya zvine mutsindo.

Asi FC Platinum yaramba ichikwikwidza zvakasimba mushure mekunge chikwata chaNorman Mapeza ichi chakatarika asi chikazokwanisa kukunda Black Rhinos 1-0.

Kugona Kunenge Kudada yakaenzana mapoinzi neDynamos asi iri pasi peDembare nemhaka yekunwisa zvibodza zvishoma.

Asi How Mine yadzoka pazvikwata zviri kukwikwidza kutora mukombe uyu mushure mekurova Bantu Rovers 3-0, mazuva matatu vachangobva kuzvamburwa 6-0 neDynamos.

Vatambi vavo vairamwa basa vadzoka kubasa zvekuti vese vaive pamutambo neBantu Rovers mushure mekubhadharwa imwe yemari yavaichemera.

Asi vacheri vegoridhe ava vave pasi peZPC Kariba iyo yave pachinzvimbo chechishanu mushure mekudambura Harare City 2-1 pamusha wavo muNyamhunga Stadium.

Mimwe mitambo yakapera seizvi ..

Caps United 0 Chapungu 0

Tsholotsho Pirates 2 Shabanie Mine 1

Triangle 3 Bulawayo City 1

Kwatamba mitambo makumi maviri nemitatu, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…

Chicken Inn 48 points

Ngezi Platinum Stars 46 points

Dynamos 45 points

FC Platinum 45 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi ….

Shabanie Mine 22 points

Hwange 20 points

Tsholotsho 15 points

Bantu Rovers 12 points

Totarisa mitambo yeEnglish Premiership….

Liverpool yakasimbisa maroto avo ekutora mukombe weligi nekuzvambaradza Arsenal 4-0 muAnfield nezuro, ndokufadza vateveri vavo vakawandisa muZimbabwe.

Britain Soccer Premier League
Britain Soccer Premier League

Zvibodzwa zvakabva kuna Roberto Fimino, Sadio Mane, Mohamed Salah na Daniel Sturridge zvasiya maReds ave pachinhanho chechipiri kwatambwa mitambo mitatu kubvira makundano aya atanga.

Liverpool iri pasi peManchester United nemapoinzi maviri mushure mekunge maRed Devils akarova Leicester 2-0 ndokuramba ari pamusoro soro nemapoinzi mapfumbamwe kubva mumitambo mitatu.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi…

Burnemouth 1 Man City 2

Chelsea 2 Everton 0

Tottenham 1 Burnley 1

Watford 0 Brighton 0

Huddersfield 0 Southampton 0

Crystal Palace 0 Swansea 2

West Brom 1 Stoke 1

Newcastle 3 West Ham 0

Makundano aya ave kumboenda kuzororo svondo rino kupa nguva kumitambo ye 2018 World Cup qualifiers.

Zimbabwe yakadzingwa neveFifa mumakundano eWorld Cup aya mushure mekunge veZifa vatadza kubhadhara aimbove murairidzi wemaWarriors Valinhos mari yake yemuhoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG