Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Lawyers for Human Rights Yoshushikana neMashoko eSADC


sadc

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti magweta aro ari kuenderera mberi nekubatsira vanhu vanodarika mazana manomwe vakasungwa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga mwedzi wapera.

Sangano iri rinoti vamwe vevanhu vakasungwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika iyi, vakawanikwa vasina mhosva nematare edzimhosva, kunyange hazvo vamwe vari kuburitswa muhusungwa, vari kusungwa zvakare nemapurisa.

Sangano iri rinotiwo riri kushushikana zvikuru nemashoko e sangano re Southern African Development Community, SADC, ekuti masangano akazvimirira muZimbabwe ari kushanda nenyika dzekunze paine chinangwa chekubvisa hurumende nenzira dzisiri pamutemo.

Mutauriri wesangano iri, VaKumbirai Mafunda, vanoti zvisineyi nezviri kutaurwa neSADC, sangano ravo richaramba richibatsira vanhu vemuZimbabwe vari kugara vakatyorerwa kodzero dzavo.

VaMafunda vanoti mabasa avari kuita ari pamutemo sezvinodiwa nemitemo yenyika, nokudaro havangaite mabasa anotyora mitemo yenyika.

VaMafunda vanoti bhodhi ravo richagara pasi rozeya matanho ekutora zvichitevera mashoko eSADC mukupera kwesvondo.

SADC yakaburitsa gwaro kumusangano weAU kuAddis Ababa ichiti inoshushikana nekufa kwevanhu mumhirizhonga yakaitika muZimbabwe mwedzi wapera.

Asi sangano iri rakatiwo rine ruzivo rwekuti mamwe masangano akazvimirira ari kushanda pamwe nenyika dzekunze paine chinangwa chekubvisa hurumende iri muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG