Accessibility links

Breaking News

Law Society of Zimbabwe Yoongororawo Vachabvunzurudzwa Kuve Vatongi veDare rePamusoro


High Court Zimbabwe
High Court Zimbabwe

Sangano rinomirira magweta munyika, reLaw Society of Zimbabwe, rinoti rine tarisiro yekuti kusarudzwa kwevanozoitwa vatongi vedare repamusoro reHigh Court kuchafambiswa zvakanaka uye zviri pachena.

Judicial Services Commission kana kuti JSC yakabudisa mazita evanhu vanopfuura makumi matatu vaychabvunzurudza kana vachikodzera kuve vatongi kubva musi wa 26 kusvika musi wa 28 Chikunguru.

Mutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaWellington Magaya, vaudza Studio 7 kuti mazita evanenge vabudirira aanoendeswa kumutangamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vane shoko rekupedzisira vachishanda neJSC.

VaMagaya vati nyaya yekodzero dzevanhu chinhu chikuru muZimbabwe naizvozvo vachasarudzwa ava vanofanirwa kuve vanhu vanokudza kodzero dzevanhu. Vatiwo vachasarudzwa ava vanofanirwa kuve vanhu vasina bato ravakarerekera munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMagaya vati sangano ravo richaferefeta vanhu vari kubvunzurudzwa ava roendesa zvarinenge rawana kuJ kuti komishini iyi igoona zvekuita.

Vatiwo Zimbabwe iri kunetseka nenyaya yehuori, naizvozvo vachabvunzurudzwa ava havafanire kunge vaine maoko akasviba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG