Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMari yeKunze Munyika Kwoita Kuti Mishonga Itengeswe neMari yeKunze


Generic drugs produced by Indian pharmaceutical companies make medicines affordable, but India says that China does not provide market access to its generic drugs.

Sangano remakambani anotengesa mishonga yekurapa vanhu, rePharmaceutical Society of Zimbabwe, rinoti kushaikwa kwemari yekunze ndiko kwave kukonzera kuti vatengese mishonga nemari yekunze kwenyika.

Vachipa humbowo kukomiti yeNational Assembly inoona nezvehutano nhasi maererano nemamiriro enyaya dzekuwanikwa kwemishongamunyika, sachigaro wesangano rePharmaceutical Society of Zimbabwe, VaPortifa Mwendera, vati basa ravawandira nekuti hurumende iri kutadza kuisa mishonga muzvipatara nemakirinika ayo izvo zvave kukonzerea kuti veruzhinji vauye kuzvitoro zvavo.

Vati zvitoro zvavo zvinotenga mishonga yazvo zvichishandisa mari yekunzeizvo zviri kupa kuti vatengesewo mishonga yavo nemadhora ekuAmerica.

Vati dai zvinhu zvakanaka, kambani yemushonga yehurumende, yeNational Pharmaceutical Company, ndiyo yaifanirwa kutenga mishonga yakawanda yekuisa muzvipatara asi pari zvino kambani iyi haisi kupihwawo mari yekunze uye mishonga mizhinji yainowana inobva kumasangano anopa rubatsiro.

VaMwendera vatiwo mishonga inopihwa nemasangano anobatsira ndeezvirwere zvishanu chete izvo zvinosiya vanhu vakawanda vasina mushonga.

Masangano anobatsira anotenga mishonga yeHIV, Tuberculosis pamwe nemishonga yekuchengetedza mhuri.

Vati kunyange hazvo paine zvinhu zvakawanda zvinoda mari yekunze zvakaita semafuta emotokari, mushonga wakakosha nekuti ukashaikwa vanhu vanofa.

Vati zvakakosha kuti hurumende ikoshese hutano hwevanhu vachiti mari yavari kupihwa nehurumende kuti vatenge mushonga ishoma chose pane yavari kuda.

Vati semuenzaniso, vakapihwa mamiriyoni makumi maviri nemanomwe emadhora kubva pakutanga kwegore rino kusvika pari zvino, asi ivo vachida mamiriyoni makumi mapfumbamwe nematanhatu emadhora.

Asi nhengo dzekomiti dzaudza VaMwendera nevamwe vavo kuti hadzisi kufara kuti kunyange hazvo vari kupihwa mari yekunze nehurumende kuti vatenge mushonga, ivo vari kudhurisira vanhu.

Sachigaro vekomiti iyi, Dr Ruth Labode, vati komiti yavo ichashanyira zvitoro zvinotengesa mishonga pamwe nemakambani anogadzirsa mishonga kuti vaone kuti sei mishonga iyi iri kudhuriswa zvakanyanya kudarika kune dzimwe nyika.

Vatiwo vachakoka gurukota rezvehutano, Va Obediah Moyo,kuti vazopa humbowo panyaya iyi munguva pfupi iri kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG