Accessibility links

Breaking News

Vagari Vaswera Vachizvifambira Zvavo muKwekwe Yakavharwa neMugovera


Kwekwe residents
Kwekwe residents

Vagari vemuKwekwe vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kuvharwa kwakaitwa guta ravo zvichitevera kuwanikwa kwechirwere cheCovid-19 chemhando yekuIndia muguta iri.

Vagari vemuKwekwe vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kuvharwa kwakaitwa guta ravo zvichitevera kuwanikwa kwechirwere cheCovid-19 chemhando yekuIndia muguta iri.

Kunyange hazvo hurumende yakatara kuti lockdown iyi itange nezuro manheru, zvitoro nemamwe mabhizimisi zvange zvakavhurwa uye veruzhinji vange vachiita mabasa avo semazuva ose kusanganisira kutengesa pamisika nekuchinja mari mumigwagwa, vamwewo vari mumitsetse pamabhangi.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti muguta iri muchave nelockdown
kwemasvondo maviri kutanga nezuro manheru zvichitevera kuwanikwa kweimwe mhando yechirwere cheCovid iyo yakauraya mumwe muzvinabhizmisi mudhorobha reRedcliff svondo rapera mushure mekunge ashanya kuIndia.

Vamwe vagari vemuKwekwe vataura neStuio 7 vati vanotyira kuti kungove
nelockdown munzvimbo iyi chete hakuna zvakunonyanyobatsira vamwewo
vachiti vanoona danho iri richibatsira.

Mumwe mugari, Parti Ngozo, anove mutapi wenhau anoshanda akazvimirira ati maonero ake ndeekuti dai nyika yose yaiswa mulockdown sezvo mhando yechirwere cheCovid yekuIndia iyi ichiratidza kuti ine hukasha hwakasimba.

Mumwe mugari wemuguta iri, Muzvare Nyarai Ndawana, avo vanove mukuru wesangano reZichea mudunhu reMidlands, vati veruzhinji vanonzwisisa chose kukosha kwekudzivirira chirwere cheCovid-19 asi vati nekuda kwekutambura vakawanda vanozotadza kutevedzera zvimwe zvezvinodiwa vachitsvaga zvinoraramisa mhuri dzavo.

Meya weguta reKwekwe, Amai Angeline Kasipo, avo vanovewo
muzvinabhizimisi vane nzvimbo inoitirwa michato nezvimwe, vati
kunyange hazvo lockdown ichigona kuvhiringidza mararamiro evanhu, vane chokwadi chekuti veruzhinji vanonzwisisa kukosha kwedanho rekuve
nelockdown.

Mumwe muzvinabhizimisi wemuKwekwe, VaFreddy Kapuya, avo vanove mumiriri weMhondoro Ngezi mudare paramende vari mubato reZanu PF, vati vanotambirawo danho rekuve nelockdown vachiti kukoshesa hutano hweveruzhinji ndicho chinhu chikuru.

Vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vahigarawo muKwekwe, Dr Henry Madzorera, vati danho rekuti muKwekwe muve nelockdown rakanaka.

Dr Henry Madzorera (middle)
Dr Henry Madzorera (middle)

Asi Dr Madzorera vati danho iri rinofanirwa kutsigirwa nemamwe matanho akasimba anosanganisira kusimudzira ongororo yeveruzhinji kuti vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

Muchizivisa chavo nezuro, gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vakatiwo mabhawa ose haasi kubvumidzwa kuvhura munguva yelockdown, uye michato nekunamata vanhu vakaungana, zvava kurambidzwawo kwemasvondo maviri.

VP Constantino Chiwenga
VP Constantino Chiwenga

VaChiwenga vakatiwo vanenge vafirwa vanofanirwa kunge vaine munhu abva kubazi rezvehutano, uye vanhu vanoungana parufu havafanirwe kudarika makumi matatu.

Vanhu vanopfuura nemuguta reKwekwe vari kukurudzirwa zvikuru kusamira muguta iri kwenguva yakareba.

VaChiwenga vakatiwo hurumende ichaenderera mberi nedzidziso yechirwere cheCovid-19, kucheneswa kwezvitoro nenzvimbo dzose dzinopindwa neveruzhinji.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dziri kukurudzirawo kuti hurumende isimudzire kubaiwa kweveruzhinji nhomba senzira yekubatsira kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Nezuro vanhu zviuru zvipfumbamwe nemazana matatu nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, 9 369, vakabayiwa nhomba yekutanga, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yekutanga pazviuru mazana matanhatu nemakumi maviri nezvina nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevashanu, 624 665.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi, avo vanove zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika senzira yekurwisa kupararira kwechirwere ichi, icho chauraya vanhu munyika yose vanosvika chiuru nemazana mashanu nemakumi masere nevatanhatu, 1 586, uye kubata vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nezvisere nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevana, 38 664.

Pasi rose, vanhu vanodarika mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nematanhatu, 166 million, vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nemazana mana nemakumi matanhatu ezviuru, 3, 460 000 vafa nechirwere ichi pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG