Accessibility links

Breaking News

Kuwanda kweVari Kurwara nePfungwa Kwotemesa Hurumende Musoro


Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.
Des parents remmènent à la maison un patient couché sur une civière, victime d’un accident, sortant de la salle d’urgence à Harare, Zimbabwe, 21 août 2009.

Hurumende inoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa munyika huri kuramba huchiwedzera zvakanyanya uye zvave kuwedzerwa nevamwe vechidiki vari kunwa zvinodhaka.

Vachitaura vari pachipatara cheAnnex chinova pasi peParirenyatwa Group of Hospitals nemusi weChipiri, uko vanga vachitambira, mishonga yechirwere chepfumgwa, mibhedha nezvimwewo zvakapiwa chipatara ichi nebhanga reEcobank, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Chamunorwa Mangwiro vakati bazi ravo riri kunetsekana zvikuru nekuwanda kwevanhu vari kurwara nepfungwa.

Doctor Mangwiro vati sehurumende vane zvirongwa zvekurerutsa dambudziko iri zvakafana nekuvaka zvimwe zvipatara zvevanorwara nepfungwa mumatunhu ose.

Nyanzvi yezvirwere zvepfungwa vachishanda paAnnex Amai Fungi Mazhandu vati pamazuva maviri pavhiki pavanorapa avo vasingarapirwe pachipatara, vanokwanisa kuona varwere vari pakati pemakumi mashanu nezana.

Amai Mazhandu vati dambudziko rechirwere chepfungwa riri kukura vakatiwo panguva yakare vaitora zvinodhaka vainyanyoputa mbanje asi vakati ikezvino kuri kushandisa zvinhu zvakaita semutoriro izvo zvine njodzi huru.

Amai Mazhandu vatiwo zvakakosha kuti hurumende igadzirewo nzvimbo mumisha inogara veruzhinji dzinokwaniswa kushandiswa nevanenge vashandisa zvinodhakwa.

Mukuru weZimbabwe Obsessive Compulsive Disorder Trust Amai Anelica Mkorongo avo vanoti vakarwara nechirwere chepfungwa kwemakore makumi matatu vati dambudziko rechirwere chepfungwa rinoda kutarisiswa vakatiwo kutambura kuri kuita vanhu nekusamira zvakanaka kwehupfumi kuri kuita kuti vagume vorwara nechirwere ichi.

Mapurisa kunzvimbo dzakaita seMasvingo neGweru vari kutiwo vamwe vanorwara nepfungwa ava vari kugumawo vaponda hama nevanhuwo zvavo.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG