Accessibility links

Breaking News

Kusungwa kwaVaMwonzora Kodzosera Shure Basa ReCOPAC


Dare repamusoro re High Court rinoti richapa mutongo waro mangwana panyaya yechikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaiswa mudare iri nemumiriri weNyanga North mudare reHouse of Assembly, Va Douglas Mwonzora, pamwe nedzimwe nhengo dzeMDC makumi maviri nenhatu.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.

VaMwonzora nevamwe vavo vava nemwedzi vari muhusungwa.

VaMwonzora, mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva.

Mutauriri weCOPAC, Muzvare Jessie Majome, vaudza Patience Rusere weStudio7 kuti kuvharirwa kwakaitwa VaMwonzora kuri kudzosera shure basa reCOPAC.

XS
SM
MD
LG