Accessibility links

Breaking News

SADC Yotumira Vaongorori veSarudzo Kuzoona Kuti Gadziriro Yave Papi muZimbabwe


Vaongorori vesarudzo
Vaongorori vesarudzo

Vaongorori vesarudzo kubva kusangano reSADC vange vachitarisirwa kupinda munyika nemusi weSvondo kuti vamboshanda kwemazuva manomwe anotevera vachiona zviri kuitwa mukugadzirira sarudzo dzegore rino.

Vaongorori vesarudzo kubva kusangano reSADC vange vachitarisirwa kupinda munyika nemusi weSvondo kuti vamboshanda kwemazuva manomwe anotevera vachiona zviri kuitwa mukugadzirira sarudzo dzegore rino.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa kuita misangano nevakuru vehurumende, vesangano reZimbabwe Electoral Commission, hutungamiri hwemapato anopikisa nevamwe vane chekuita nesarudzo.

Mumiriri weBritain muZimbabwe Amai Catriona Laing vakatozivisawo kuti vamwe vaongorori vesarudzo kubva kusangano reEuropean Union vari kutarisirwa muzimbabwe chero nguva.

Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa pakati pa31 Chikunguru na31 Nyamavhuvhu pazuva rinenge ratarwa nemutungamiri wenyika.

Mukuru we sangano reElection Resource Center kana kuti ERC VaTawanda Chimhini vanoti sangano ravo ratambira nemufaro mashoko ekuti vaongorori vesarudzo veSADC vave munyika

Vataurawo pamusoro petarisiro yeruzhinji rwenyika yekuti sarudzo dzinge dzichiitwa murunyararo uye dzakachena.

Vanoti hurumende haifaniri kupindira mune nyaya dzekukokwa kwevaongorori vezvesarudzo nekuti ibasa rinofanira kuitwa ne bazi rakazvimiririra kwete kuti hurumende ive ndiyo inosarudza kuti masangano nenyika dzichakokwa ndedzipi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG