Accessibility links

Breaking News

Britain Inobatsira Masangano Akazvimirira neMari Yakangana neSarudzo


Gurukota reAfrica kuBritain, Amai Harriett Baldwin, vachisangana naVaMnangagwa
Gurukota reAfrica kuBritain, Amai Harriett Baldwin, vachisangana naVaMnangagwa

Gurukota rinoona nezveAfrica muBritain, Amai Harriett Baldwin, vanoti vari kufara zvikuru nevanhu vavakasangana navo apo vange vari kushanya kekutanga muZimbabwe.

Vachitaura muvhidhiyo yavatumira kuruzhinji rwevanhu, Amai Baldwin, vati hurumende yavo icharamba ichishanda nevanhu vemuZimbabwe, kuitira kuti ibudirire.

Amai Baldwin, avo vakasangana neChishanu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotiwo vapa mari inoita mamiriyoni mashanu emapaunzi kumasangano akazvimirira senzira yekutsigira zvirongwa zvesarudzo.

Amai Baldwin vanoti vanoshuvira kuti muZimbabwe muchaitwa sarudzo dzinotambirwa nemunhu wese.

Asi Amai Baldwin havana kutaura kuti vachashanda seyi nehurumende yaVaMnangagwa, kunze kwekungoti hurumende yeBritain ichashanda nevanhu vemuZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, Amai Chipo Mukonza, vanoti rwendo rwa Amai Baldwin hunoratidza kuti Britain inoda kudyidzana neZimbabwe, asi inoda kutanga yagutsikana nezviri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Hukama hweBritain neZimbabwe hwakatanga kushata muna zvakanyanya muna 2002, zvichitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, pamwe nekubiridzirwa kwesarudzo yemutungamiri wenyika.

Izvi zvakazowedzerwa apo hurumende yaVaRobert Mugabe yakatanga kubvuta mapurazi evachena, pamwe nemhirizhonga yakadeura ropa rakawanda apo mapurazi aibvutwa nevatsigiri veZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG