Accessibility links

Breaking News

Kusanzwisisa Denda reGomarara Kwopa Kuti Varwere Vasarurwe


Sangano rinobatsira vanenge vabatwa nechirwere chegomarara reCancer Association of Zimbabwe rinoti nyaya yekushaya ruzivo nezvechirwere ichi inopa kuti vanhu vave nekutya kukuru, kuita hasha uye kusagadzikana muupfungwa kuvarwere uye mhuri dzavo.

Mumwe mukoti anoshanda pachipatara cheParirenyatwa VaBrendon Mapuranga vanoti zviri pachena kuti panoda nzwisiso nezvechirwere ichi sezvo vamwe varwere vari kuchema chema nekubatwa kwavari kuitwa.

VaMapuranga vanoti kubatwa neseri kweruoko uku kwave kupa kuti vamwe varwere vatogume vorwara nechirwere chepfungwa.

Amai Laina George avo vakabviswa zamu nekuda kwechirwere ichi muna 2018 vanoti dzimwe nguva kana vakaroorana vanoguma voita matambudziko mudzimba.

Nyanzvi munyaya dzedenda remagomarara akasiyana siyana musangano reCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa, vakatsinhirawo mashoko okusarurwa kunoita varapwi vegomarara vachiti kumabasa ndiko kumwewo kune dambudziko nokuti vazhinji havana dzidziso yakakwana yakanangana nezvechirwere ichi.

VaMakurirofa vanotiwo kusarurwa kunoitwa vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids, kwakangofanana nekusarurwa kunoitwawo vane magomarara ekusikarudzi nemuchibereko.

Vamwe vanorwara nedenda regomarara vanoenda kunotsvaga rubatsiro kune vanorapa nemishonga yechivanhu.

Asi mutevedzeri wemukuru anoona nazvematenda asingatapuriranwe mubazi rezvehutano, Dr Justice Mudavanhu, vaudza Studio 7 kuti vanachiremba vechivanhu ava vanofanira kuti vashande pamwechechete nebazi rezvehutano vachiti vazhinji vanhu vanotanga vambosuma mhepo dzekumadzinza kana maporofita vozouya kuchipatara denda riya rakomba uye risingachakwanisa kurapika.

Mukuru weCancer Registry iri pachipatara cheParirenyatwa, iyo iri pasi pebazi rezvehutano, VaEric Chokunonga, vatendawo kuti chirwere chegomarara chiri kuwanda chaizvo munyika, uye vanhu vakawanda vanozoenda kunorapwa chirwere ichi chatokomba, izvo zvinozoita kuti vaitwe maoparesheni senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi mumuviri wose.

Zimbabwe National Cancer Registry inoti vanhu vanodarika zviuru zvinomwe vanobatwa nechirwere chegomarara pagore. Magomarara ari kunyanya kubata vanhu anosanganisira repasikarudzi, repazamu, remudumbu nemamwe.

Vanhu vanokurudzirwa kudya chikafu chechinyakare uye kuzvigwinyisa miviri kuti vasabatwe nechirwere ichi uye vane hama dzinenge dzafa nacho vanofanira kuti vapote vachiongororwa nekuti zvimwe zviri mumhuri.

Nyaya Ina Ropafadzo Mapimhidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG