Accessibility links

Breaking News

Kusanzwisisa Chirwere chePfungwa Kwopa Kuti Vamwe Vafunge Kuti Huroyi Kana Kutadza Kubatsira Hama


VaLucky Chinake - Chinhoyi
VaLucky Chinake - Chinhoyi

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu munyika kuti vanzwisise nezvenyaya yechirwere chepfungwa chinonzi dementia.

Vamwe vane chirwere ichi vanotanga kuita hanganwa, kusafunga zvakanaka uye kutadza kuita Mabasa avaisiita vari vatano. Vamwe vanotoguma vofamba usiku vasina kusimira zvinozopa kuti dzimwe nguva vapomerwa mhosva dzekuti vanoroya.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa Dr Nemache Mawere, avo vanoshanda pachipatara chikuru chevarwere vepfungwa cheIngutsheni Hospital, kuBulawayo, vanoti vakwegura ava vanenge vakavhiringika pfungwa nezvikonzero zvakasiyana siyana zvinoita kuti vaite hanganwa dzakanyanyisa idzo dzinozikanwa nezita rokuti dementia.

Doctor Mawere vanoti chirwere ichi chinobata vanhu vane makore anodarika makumi matanhatu nemashanu kana kuti 65 kunyanyaya uye hachikwanise kurapwa zvokutopera.

Vanoti hanganwa idzi dzinotanga zvishoma nezvishoma kusvikira denda iri rakomba murwere otoramba kugeza kana kutadza kuenda kuchimbuzi oga.

Doctor Mawere vanoti denda iri rinorwadza nekutambudza mhuri nokuti vakweguri ava vanotozotadza kuziva mazita emhuri dzavo zvinova zvinhu zvinoshungurudza vadikani vavo.

Vaenderererawo mberi vachiti pane zvimwe zvezvirwere zvinokonzera kuvhiringika kwehuropi hwevanhu vabvezera ava.

Doctor Mawere vanoti vakweguri ava vanofanira kuuya kuchipatara nemunhu anogara navo nokuti nyanzvi dzehutano hwepfungwa dzinoda kunzwa zvinotaurwa nevachengeti vavo kuti vakwanise kupiwa mishonga inoenderana nezvinenge zvabuda muhurukuro yacho.

Dzimwe nyanzvi dzinotiwo kana munhu atanga kuratidza kukanganwa anofanira kuendeswa kuna chiremba nekuti zvimwe zvikonzero zvinorapika.

Dementia Association of Zimbabwe into kunayngwe zvichinetsa kudzivirira chirwere ichi, vanhu vanokurudzirwa kuti vave nehutano hwakanaka vasinganyanye kushungurudzikane mupfungwa kuti vaderedze mukana wekubata chirwere ichi.

Sangano iri rinoti dementia chirwere uye hachifanire kutorwa seimwe nzira yekukwegura.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti dementia inonyanya kubata vakadzi uye tsvakurudzo yakaitwa nesangano iri mugore ra 2018, yakaburitsa kuti vanhu chiuru nemazana mashanu anemakumi mashanu nevana kana kuti 1 554 vakafa nedenda iri.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, rinoti nyika inezvipatara zvinomwe chete zvinorapa vanorwara nepfungwa zvokuti vagari vekumaruwa havana masvikiro kuzvipatara izvi nokuti zviri kumadhorodha makuru.

Vanhu vakawanda vanoguma vave kuchengetwa vari kumba kana kunochengetwa vakwegura.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG