Accessibility links

Breaking News

Kuramba Kutorwa Ropa KweVamwe Kwopa Kuti Kurwisa HIV/AIDS Kunetse


Dambudziko reHIV/AIDS richanetsa kupedza munyika sezvo pachine vamwe vanhu vasiri kuda kuongororwa kuti ropa ravo rine HIV here kana kuti kwete, pamwe nekushaya kunoita vakawanda, izvo zvinozoita kuti vanasikana vatengese miviri yavo.

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano inoti munyika machine vanhu vakawanda vasingadi kuongororwa ropa ravo kuitira kuti vazive kana vaine HIV.

Vanoona nezvezvirongwa zveHIV mukanzuru yeHarare, Dr Hilda Bara, vanoti kubva muongororo yavo, vanhurume ndivo vari pamusoro pakusada kuongororwa ropa ravo zvichienzaniswa nevanhukadzi.

Dr Bara vanoti zvakakosha kuti munhu azive paamire munyaya dzehutano. Chiremba ava vanoti Zimbabwe inyika yakakwanisa kudzikisa dambudziko reHIV zvokuti dzimwe nyika dzinotodawo kudzidza kuti Zimbabwe yakazvikwanisa seyi.

Dr Bara vanoti ruzivo rwenyanzvi dzemuZimbabwe rwakaita kuti vanhu vari pamishonga yeHIV vakwanise kunwa mishonga isina marwadzo ainokonzera, uye kudzikisa huwandu hwemapiritsi anonwiwa pazuva.

Asi Dr Bara vanoti budiriro munyaya yeHIV inogona kuvhiringwa nevechidiki vanobva munhuri dzinoshaya sezvo vari kuita zvepabonde kuitira kuti vawane mari. Dr Bonde vanoti nguva zhinji vechidiki ava vanoita zvepabonde vasina kuzvidzivirira, izvo zvinozoita kuti vabatwe neHIV.

Dr Bara vanoti nzvimbo dzine dambudziko reHIV rakanyanyisa muHarare, dzinosanganisira Hopley, Dzivaresekwa Extension, Hatcliffe Extension, Caledonia nedzimwe nzvimbo dzinogara vanhu vakawandisa.

Kanzuru yeHarare ine makiriniki makumi mana nemaviri, uye zvipatara zviviri zvinoti Beatrice Infectious Hospital neWilkins Hospital uko vanhu vanokwanisa kupihwa mishonga yema Anti Retro-Viral Drugs.

Dr Bara vanoti kubva gore ra2004 apo kanzuru yakatanga kupa mishonga yeHIV, vanhu vanodarika zviuru zana vari kuwana rubatsiro rwemishonga iyi kubva kumakiriniki nezvipatara zviri pasi pekanzuru yeHarare.

Zimbabwe ine vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana mana ezviuru vari kurarama neHIV/AIDS uye vanhu ava vari pachirongwa chekunwa mapiritsi anodzikisa marwadzo eHIV/AIDS.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG