Accessibility links

Breaking News

Kuputswa kweMisika Koshungurudza Mupfungwa Vamwe Vanorarama neHIV/AIDS


Mamwe madzimai anorarama neHIV/AIDS anoti ari kunetsekana zvikuru nekushaya chikafu zvichitevera kuputswa kwakaitwa misika yavaitengesera miriwo munzvimbo dzakasiyana siyana muguta reHarare.

Nyanzvi muanyaya dzezvehutano dzinoti kufungisisa uku kunogona kuzovhiringidza pfungwa pamwe nehutano hwavo.

Mumwe mudzimai anogara kuGlen Norah uye achidzidzisa muMbare, Amai Mary Chimashu, vanoti vakadzi vakawanda, zvikuru vemumusha weMbare, vari kuremerwa nehupenyu izvo zvava kupa kuti vagare vakasuwa nekushushikana kuti vachararamisa seyi mhuri dzavo sezvo misika yaivawanisa mari, yakaputswa.

Amai Chimashu vanoti vakadzi vari kunyanya kushushikana nenyaya yekupazwa kwemisika iyi ichembere dzisina mabasa, uye dzichichengeta vazukuru vadzo nherera.

Chembere idzi dzinorwarawo nematenda eshuga nehigh blood pressure zvinova zvirwere zvinodheererwa nechirwere cheCovid 19 kana munhu achibata.

Amai Chimashu vanoti sekutaura kwenyanzvi munyaya dzehutano, vakweguri vagara vaine zvirwere nechekare, ndivo vanodheererwa zvikuru nechirwere cheCovid-19.

Amai Chimashu vanoti vakadzi vanorarama nehutachiwana hweHIV ava havana zvokupfeka zvinovadzivirira kutapurirwa Covid 19 nokuti zvinodhura kuzvitenga.

Amai Chimashu vanoti sezvo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid 19, madzimai aya haana kwekuungana achiudzana zvinoanetsa izvo zviri kupawo kuti pfungwa dzawo dzisagadzikane.

Mumwe mukadzi anorarama neHIV, Amai Joana Kasirori, vanotiwo vari kushushikanawo nekutyira kubatwa nechirwere cheCovid-19 sezvo vane zvimwe zvirwere zvakaita seshuga, high blood pressure nechirwere cherurinda.

Nyanzvi yezvehutano hwepfungwa musangno reZimbabwe National Association for Mental Health, Dr Ignatius Murambidzi, vanoti kushungurudzikana mupfungwa hakuna kunaka sezvo kuchikonzera chirwere chepfungwa, kana kuti Depression.

Dr Murambidzi vanoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa hwakakwira kubva pakatanga kuvharwa kwemaindasitiri nemisika. Asi vanoti chirwere ichi chinorapika kana chikakurumidzirwa.

Mutevedzeri wemukuru anoona nezvehutano hwepfunga munyika, Dr Sacrifice Chirisa, vanoti hurumende ine hurongwa hwekupinda muvanhu ichavadzidzisa nyaya dzehutano, asi chirongwa ichi chakambomisa nemitemo inobata Covid-19.

Gurukota remagariro evanhu akanaka, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanoti hakuna munhu anofanira kushaya chikafu nokuti hurumende ine chirongwa chekubatsira vanoshaya.

VaMavhima vanoti kune vanhu vanodarika mazana maviri ezviuru, vakatonyoresa kuti vawane rubatsiro zvokuti vamwe vakatotanga kutambira mari munharembozha dzavo kubva mwedzi wapfuura.

Asi vanhu vakaita saAmai Kasirori nevamwe vakawanda munyika vanoti havasati vawana rubatsiro rwuri kutaurwa nehurumende, izvo zvicharamba zvichikonzera kuti vanhu vakawanda varambe vachivhiringwa nezvirwere zvepfungwa, sezvo vanenge vasina pekutangira.

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG