Accessibility links

Breaking News

Kupisa Kwekunze Kotarisirwa Kuenderera Mberi Kunzvimbo Dzakawanda Zvokanganisa Varimi


Zimbabwe drought
Zimbabwe drought

Bazi rezvemamiriro ekunze remeteorological Services Department rinoti kupisa kwekunze kuchaenderera mberi kunzvimbo dzakawanda kunyangwe dzimwe nzvimbo dzichawana mvura pano neapo.

Bazi iri rinoti kutanga musi wa 10 mwedzi uno ndipo pari kutarisirwa kuti pachanaya mvura. Vanokokera mabasa muzimbabwe Farmers Union Amai Margaret Hoshiki vanoti kusanaya kwemvura kwave kupa kuti varimi vakawanda vaomerwe sezvo pasina tarisiro yekuti goho remwaka uno rinenge rakanaka.

Vakurudzira varimi kuti vasarambe vachidyarurura Mbeu dzinonoka kuibva.

"Tino kurudzira kuti varimi varime zvirimwa zvakadayi semamapfunde mapfupi anokurumbidza kuibva, ne mbesa dzinokurumidza kuibva kana kuti ma "small grain" sezvo mwaka usina kumira zvakanaka," Amai Hoshiki vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, "Tinokurudzira kuti kana mvura yango tanga kunaya varimi ngava kande mbesa dzinokurumbidza kuibva kana chiri chibage ngava kande mbese chechibage chinonzi tsoko icho chinokurumbidza kuibva."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG