Mutungamiriri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vapedza rwendo rwavo rwemazuva mashanu ku China vachiita misangano mumatunhu madiki ari ku Hangzhou uko kwaitirwa musangano we Zimbabwe- China Business Forum.
Uyu musangano waitwa nevemabhizinesi nemakurukota ehurumende yeku China navana muzvinabhizinesi nemakurukota ehurumende vekuZimbabwe.
VaMnangagwa, avo vari kutarisirwa kudzoka kusvika kumusha neMugovera, vanonzi vakanyorerana zvibvumirano zvinomwe nehurumende pamwe nemakambani ekuChina.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoti zvibvumirano izvi hazvina zvazvinoreva kana pasina chinobuda mazviri.
Muongorori wezvebudiriro, uye vachidzidzisa pa Africa University, Doctor Iris Shiripinda vanoti kunyorana zvibvumirano chinhu chisinganetsi nekuti kuwirirana zvamunoda kuitirirana asi kuzochizadzisa rimwe basa rinoda kuti vanhu vacherechedze zvese zvavanenge vawirirana kuitirana sezviri muchisungo chavo
Doctor Shiripinda vanoti ruzhinji rwenyika harwufaniri kungopemberera kutaurwa kwe zvibvumirano, asi kuti vaone kuti nekufamba kwenguva zvazogonekwa kuzadziswa ndezvipi.
Vanoti rwendo rwaVaMnangagwa nderwekunovhima saka mhemberero inoda kuzouya kana vazoona zvabuda murwendo urwu.
Vatiwo zvinoda kuti vatungamiriri venyika vatarise zvinogona kuitika kwete kutaura zvisingagoneki kune ve kuChina ava kuti zvibvumirano izvi zvisazoperere ku hope chete.
Facebook Forum