Accessibility links

Breaking News

Kupararira kweHIV Koderera Munyika


Kupararira kwehutachiona hwe HIV kunonzi kuri kudzikira kuburikidza nekuzvibata kuri kuita vanhu, zvikuru varume.

Kupararira uku kwadzikira kubva pazvikamu gumi nezvitanhu kubva muzana muna 2007, kusvika pazvikamu gumi nezvitatu kubva muzana pari zvino. Nyanzvi munya dzehutano dzonoti vanhu vava kunzwisisa kuipa kwechirwere ichi.

National Aids Council inoti varume vazhinji vava kuzvidzivirira munyaya dzepabonde, izvo zviri kupa kuti kupararira kwehutachiona kuderere.

Zvichakadaro, sangano re Global Fund rapa Zimbabwe mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora ekuAmerica muchikamu che Round Five Phase Two yekurwisa HIV/Aids.

Dr Tapiwa Magure ndivo chief executive ve National Aids Council. VaMagure vanoti vari kufara zvikuru nekuuya kwaita mari iyi nekuti ichabatsira kutenga mishonga nezvimwe zvinodiwa mukurwisa kupararira kwehutachiona uye kubatsira vanorwara.

XS
SM
MD
LG