Accessibility links

KuMagunje Koita Mhirizhonga ve MDC yaVa Tsvangirai Vachipumha ZANU-PF

  • Sandra Nyaira

Va Wilson Makanyaire ndivo mukuru anoronga misangano yebato mudunhu iri. VaMakanyaire vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mudunhu ravo nenyaya yemhirizhonga iri kuitika

Mapurisa nhasi asunga varume vaviri vanosanganisira mumwe mutsigiri we MDC inotungamirwa naVamorgan Tsvangirai mushure mekunge kwaita mhirizhonga kuMagunje pamusoro pembeu nefetereza zvanga zvichipihwa vanhu neve Grain Marketing Board.

Vatungamiri ve MDC kuMagunje vanoti ve GMB vanga vadaidza vanhu kuti vapihwe mbeu, asi yanga iri kupihwa vatsigiri ve ZANU-PF chete.

Va Wilson Makanyaire ndivo mukuru anoronga misangano yebato mudunhu iri. VaMakanyaire vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mudunhu ravo nenyaya yemhirizhonga iri kuitika.

Vati ivo sebato re MDC vari kutarisira kuti vawane rubatsiro kubva ku JOMIC kuti mapato ese muhurumende yemubatanidzwa ataurirane panyaya iyi.

VaMakanyaire vati zvinoshamisa zvakare ku GMB ichiri kupa vanhu mbeu nguva ino iyo yenyaya yekurima yatofamba kare.

XS
SM
MD
LG