Accessibility links

Breaking News

Kufa kwaVa Mujuru neMoto Kwokonzera Kutaura Kuzhinji


Kunyange hazvo mapurisa akati achiri kuferefeta kutsva kwakaita imba yaVaMujuru papurazi ravo reku Beatrice, vamwe munyaya dzezvematongerwo enyika vava kunongedza vamwe vanhu muZANU-PF vachiti ndivo vakakonzeresa rufu rwaVaMujuru

Pane mashoko akawanda ari kutaurwa zvichitevera kufa kwakaita vaimbova mukuru wemauto, muchakabvu Solomon Mujuru.

Kunyange hazvo mapurisa akati achiri kuferefeta kutsva kwakaita imba yaVaMujuru papurazi ravo reku Beatrice, vamwe munyaya dzezvematongerwo enyika vava kunongedza vamwe vanhu muZANU-PF vachiti ndivo vakakonzeresa rufu rwaVaMujuru.

Kutaura uku kwabva kwanyanya mushure mekunge murimi mukuru aiva muridzi wepurazi rakatorwa nava mujuru nemhuri yavo nguva yekutorwa kweminda, Va Guy Watson-Smith vabuda pachena vachiti imba iyi yainga yakadzivirirwa kubva ku moto kana kuti yanga iri fire proof.

Mutauriri we ZANU-PF, Va Rugare Gumbo, vataurira Violet Gonda veStudio 7 kuti ongororo ichiri kuitwa saka varikuti vanhu havafaniri kutaura zvisina maturo kusvika chokwadi chabuda pachena.

XS
SM
MD
LG