Accessibility links

Breaking News

Kuvharwa kweHurumende yeAmerica Kwoenderera Mberi Pasina Kuwirirana.


Donald trump
Donald trump

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vaita musangano nevakuru vedare reCongress vachiyedza kubuda nechibvumirano chekuti mapazi ehurumende akavharwa avhurwe.

Mapazi aya ave nemasvondo maviri akavharwa sezvo VaTrump vakaramba kuisa runyoro rwavo pabhajeti rakapasiswa nedare reHouse of Representatives neSenate vachiti vanoda mari inosvika mabhiriyoni mashanu emadhora yekuvaka mudhuri pamuganhu weAmerica neMexico.

Vashandi vehurumende vanosvika zviuru mazana masere vakambomiswa basa, uye vamwe vanosvika mazana mana ezviuru vari kungoshanda havo vasingapihwe mari yemuhoro.

VaTrump nevamwe vebato ravo reRepublican Party vanoti mudhuri uyu unobatsira kuti vanotengesa zvinodhaka nevanopfurikidza mwero vasapinde muAmerica.

Asi vebato reDemocratic Party vanoti kuvaka mudhuri mukore uno hakuna zvakunobatsira vachiti zviri nani kushandisa michina yechizvino zvino kurinda miganhu yeAmerica.

VaZvidzai Ruzvidzo chizvarwa chemuZimbabwe chinogara kuOhio, uye vari sachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reAmerica.

VaRuzvidzo vanoti hakuna chinoitwa nehurumende kusvika vehurumende vawirirana. Vanotiwo mashandiro akadai ehurumende haangagoneki kuZimbabwe sezvo kuZimbabwe kuine masimba akwandisa kumutungamiri wenyika,.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG