Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende yezveMigodhi Inoda Kubvunzurudza Vakuru veMbada Diamonds


Komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa pamwe nemhando dzemoto, kana kuti Mines and Energy, yazivisa kuti svondo rinouya ichapedza kunzwa pamwe nekuongorora nyaya yekutadza kwakaita kambani yeMbada Diamonds kutengesa mangoda ekwaChiadzwa pamwe nezviri kukonzera mutauro pamangoda ekwaChiadzwa.

Izvi zvataurwa neMuvhuro apo komiti yeparamende iyi yaudza mukuru weMbada Diamonds, VaRobert Mhlanga, kuti inoda kuonawo pamwe nekubvunzurudza vamwe vakuru vakuru mukambani iyi.

Sachigaro wekomiti iyi, VaChindori Chininga, vanoti komiti yavo inoda kubvunzurudza vamwe vakuru vari mukambani yeMbada Diamonds, uye varamba kunzwa VaMhlanga vachitaura kudzamara vauya nevamwe vavo.

Mbada Diamonds ikambani yakaumbwa pakati pehurumende kuburikidza neZimbabwe Mining Development Company nekambani yeku South Africa, ye Grandwell,

Hurumende ine zvikamu makumi mashanu kubva muzana mukambani yeMbada, uye ine vanhu vanoimirira mubhodhi rekambani iyi vanoti Amai Sithengisiwe Mpofu, VaDingiswayo Ndhlovu, pamwe naAmai Christoma Kajoma.

Komiti yeparamende iri kudawo kubvunzurudza nhengo dzeGrandwell dziri mubhodhi iri.

Komiti yeparamende iri kuongorora zviri kuitika pamangoda ekwaChiadzwa ayo anonzi haasi kufambiswa nenzira kwayo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti zviri kuitika pamangoda ekwaChiadzwa zvinoratidza kuti huori huchiri kuenderera mberi kunyange muhurumende yemubatanidzwa

XS
SM
MD
LG