Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yotsamwisa neHurumende paMangoda ekwaMarange

Komiti yeparamende inoona nyaya dzezvicherwa inoti haisi kufara nezviri kuitwa nehurumende mukufambisa nyaya yemangoda ekwaMarange.

Izvi zvakabuda neMuvhuro mumusangano wakaitwa nekomiti iyi, nevakuru ve Minerals Marketing Corporation of Zimbabwe, Zimbabwe Mining Development Corporation, uye mapurisa.

Sachigaro wekomiti iyi, VaChindori Chininga, vanonzi vakatsutsumwa nekusabatwa zvakanaka kuri kuitwa nyaya yekuchera pamwe nekutengeswa kwemangoda aya nehurumende.

Mumiriri weBikita East muparamende, uye vari nhengo yekomiti iyi, Va Edmore Marime, vanoti komiti yavo inoshamiswa zvikuru kuti sei hurumende yakapa kambani yeMbada Diamonds masimba ekutengesa mangoda zviri kunze kwe MMCZ inova ndiyo inotengesa zvicherwa zvese zvenyika.

VaMarime vanotizve sekuona kwavo mitemo yenyika haina kutevedzerwa panyaya dzekucherwa nekutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

This item is part of
XS
SM
MD
LG