Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yozeya Zviri Kuitika paMangoda ekwaMarange


Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinoti ZMDC, pamwe nemakambani akapihwa mvumo yekuchera mangoda, ari kutadza basa, uye panofanirwa kutsvagwa kambani dzine hunyanzvi kuti dzichere mangoda aya.

Komiti yeparamende inoona nezvezvichirwa yaratidza kusafara nemabatirwo ari kuitwa nyaya yemangoda ekwaMarange nekambani yehuruemende yeZimbabwe Mining Development Corporation, kana kuti ZMDC.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinoti ZMDC, pamwe nemakambani akapihwa mvumo yekuchera mangoda, eMbada Diamonds ne Canadile Mining Investments, ari kutadza basa, uye panofanirwa kutsvagwa kambani dzine hunyanzvi kuti dzichere mangoda aya.

Sachigaro wekomiti yeparamende iyi, VaChindori Chininga, vanoti hazvibatsiri kuti nyika inetseke nemari, imo munyika muine zvicherwa zvinofanirwa kunge zvichitengeswa nyika ichawana mari.

VaChitaura pamberi pekomiti iyi, mukuru anoona nezvemabasa kuZimbabwe Mining Development Company, ZMDC, VaDominic Mubaiwa, vati havazivi vanhu vanomirira ZMDC mubhodhi reMbada Diamonds. VaMubaiwa vati ZMDC haina ruzivo rwevanhu vari mubhodhi iri, uye vari kuedza kuti vazivane nevanhu ava.

VaMubaiwa vaudzawo komiti iyi kuti ZMDC yakanga isina ruzivo rwekuti mangoda akanga oda kutengeswa neMbada Diamonds, apo yakazomiswa nehurumende. Vati vakamhanya mhanya pavakanzwa kuti mangoda aya akanga oda kutengeswa, izvo zvkazopa kuti hurumende imise kutengeswa kwawo.

Ukuwo gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vanonzi havasati vazivisa kambani ye African Consolidated Resources, ACR, kuti mangoda ayo avakatora zvine chisimba neChina manheru, ari kupi, uye kuti nyaya yavo yava kuzofamba sei. ACR ndiyo yakatanga kupihwa mvumo yekuchera mangoda, asi ikazotorerwa mvumo iyi nehurumende.

Va Mpofu vakatora mangoda aya mushure mekunge dare re Supreme Court, rapa mutongo wekuti mangoda ose akacherwa kwaChiadzwa, ambochengetwa nebhanga guru renyika, kudzamara matare agadzirisa gakava riri pamangoda ekwaMarange.

Gweta re ACR, Va Jonathan Samkange, vanoti zvinhu zvese zviri kungoitwa muchivande nehurumende.

Va Farai Maguwu ndivo mukuru we Centre for Research and Development kwaMutare. VaMaguwu vanotiwo nyaya yemangoda ekwaMarange inoratidza kurwisana kuri kuitika pari zvino mu Zanu-PF, uye kutadza kushanda zvakanaka kuri kuita hurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG