Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Media Commission Yotanga Basa Rayo


ZMC inoti ichapa marezinesi kumapepanhau ari kuda kuita basa iri. ZMC yakaumbwa pasi pebumbiro remitemo yenyika. Boka iri raburitsa gwaro richiti richatanga kuita basa nechimbi chimbi kuitira kuti nyika iwane budiririro kuburikidza nenyaya dzisina kwadzinorerekera.

Boka rinoona nezvekunyoreswa kwevatori venhau, pamwe nemakambani enahu, reZimbabwe Media Commission, ZMC, rakaita musangano waro wekutanga neChina rikawirirana kuti ritange kushanda svondo rinouya.

ZMC inoti ichapa marezinesi kumapepanhau ari kuda kuita basa iri. ZMC yakaumbwa pasi pebumbiro remitemo yenyika, zvichitevera kutambirwa kwebhiri rekuvandudzwa kwebumbiro remitemo, reConstitutional Amendment Bill Number 19. Boka iri raburitsa gwaro richiti richatanga kuita basa nechimbi chimbi kuitira kuti nyika iwane budiririro kuburikidza nenyaya dzisina kwadzinorerekera.

Sachigaro ve ZMC, VaGodfrey Majonga, vanoti svondo rinouya vachatanga basa nekuita musangano neve hofisi yemuchuchisi mukuru wenyika.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, uye vari mukuru wepenhau re The Zimbabwean, Va Wilf Mbanga, vanoti nguva yanga yawanda vanhu vakamirira kuti komisheni iyi itange kushanda.

VaMbanga vanoti ivo pachavo vanoda kuti munyika muve neboka rinoona nezvekutorwa kwenhau rinenge rakazvimirira, kwete rinoumbwa nehurumende sezvakaitika paZMC.

VaMbanga vanotiwo mutemo wePOSA uchiripo, izvo zvichapa kuti ZMC isave inoremekedzwa.

XS
SM
MD
LG