Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Voita Musangano Wavo neChipiri paMorgan Tsvangirai House muHarare


Dr. Thokozani Khupe
Dr. Thokozani Khupe

Bato reMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozanai Khupe rinoti richatanga kushandira pamuzinda we Morgan Richard Tsvangirai House nemusi weChipiri svondo rinouya.

Bato iri rati basa guru rekutanga kugadzirisa huwori hwarati hwaiitwa nemakanzura, nenhengo dzeparamende pamwe nemutungamiriri weMDC Alliance VaNelson Chamisa.

Munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti vanoda kugadzirisa nyaya yehuwori pamusangano wavo wekutanga paMorgan Richard Tsvangirai House nemusi weChipiri.

Panyaya yekuti masoja ari kushanda nebato ravo, VaElias Mudzuri, vazviramba vakati inyaya yekuda kuvasvibisa chete.

Mutauriri weMDC yaVaChamisa, Muzvare Fadzai Mahere, vaudza Stuido7 kuti hutangamiri hwebato ravo huchatanga hwagara pasi hwozotipa pfungwa dzahwo panyaya iyi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati kunyange hazvo paine makakatanwa muMDC, kupindira kwemapurisa nemauto kunokatyamadza vanhu vakawanda.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muMDC zvichitevera mutongo weSupreme Court gore rino uyo wakati makongiresi akaitwa naVaChamisa naMuzvare Khupe akaitwa zviri kunze kwebumbiro remitemo yebato iri, nokudaro panofanirwa kuitwa kongiresi uye panguva iyi Muzvare Khupe ndivo vanenge vari munhu anofanobata matomu.

Zvichitevera mutongo uyu, Muzvare Khupe vakadzinga nhengo ina muparamende nemuseneti vachiti vanhu ava vakanga vasisiri kumirira zvido zvebato ravo.

Vakadzingwa muparamende ndiMuzvare Thabitha Khumalo, VaProsper Mutseyami, Amai Lilian Timveous naVaCharlton Hwende.

NeChina munguva dzehusiku chikwata chaMuzvare Khupe chakaenda chikanotora muzinda weMorgan Tsvangirai House ndokumhanya zvakare kuenda kumatare chichinokumbira matare kuti akomekedze chikwata chaVaChimisa kuti chisavhiringe vanhu vanenge vachishanda vari pamuzinda uyu.

Nyaya iyi yakaendeswa kumatare nasachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, uye ichanzwikwa mudare musi waChikumi 9, 2020.

VaKomichi vakakumbirawo dare kuti rikomekedze mapurisa kuti achengetedze muzinda weMorgan Tsvangirai House vachiti vanotyira kuti chikwata chaVaChamisa chinogona kurwisa vanhu vanenge vari pamuzinda apa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG