Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yotumira Mapurisa Kuzvibhorani Uko Kwombunyikidzwa Madzimai


Kanzuru yeHarare inoti yave kuronga kuendesa mapurisa ayo kuno chengetedza runyararo kuzvibhorani nedzimwe nzvimbo dzinowanika mvura uko kwave kutiika mhirizhonga pamwe nekushungurudzwa madzimai, vanasorojena pamwe nevana apo dambudziko rekushomeka kwemvura riri kutekeshera muguta iri.

Dambudziko rekushaikwa kwemvura muguta guru iri rave kukonzera mutauro uye veruzhinji vanoti kanzuru inofanira kuona zvaingaite kuchengetedza vanhu pazvibhorani apo pave kugara paine mitsetse yakareba sezvo misha mizhinji ichigara isina mvura kwemazuva akawanda.

Harawa, chembere, madzimai nevavana vave kushungurudzwa nemakoronyera aYo anovabhadharisa kana kuvatengesera mvura.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Juliana Kadano vanoti dambudziko iri ratekeshera mumisha mizhinji muguta.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reCommunity Water Alliance, VaHardlife Mudzingwa, vaudza Stduio 7 kuti vano shushikana zvikuru nezvave kuitika nekuda kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.

Mumiriri weMufakose mudare reparamende Amai Susan Matsunga vaudza Studio 7 kuti hazvifadzi kuona vana sorojena, madzimai nevasikana vachishungurudzwa nekuda kwedambudziko remvura uye vanoda kuti kanzuru ichengetedza vanhu ava.

Meya veguta reHarare, VaHebert Gomba, vaudza Studio 7 kuti vari kuziva matambudziko akatarisana nevagari kuzvibhorani uye vachatuma mapurisa avo kuti achengetedze runyararo.

VaGomba vaudza Studio 7 kuti dambudziko remvura rakakura kudarika zvino fungidzirwa nevagari uye kanzuru yega haikwanisi kuripedza.

Vatiwo mwaka uno kuri kupisa zvakanyanya zvinoita kuti vanhu vashandise mvura yakawanda.

Vatiwo dambudziko rakawedzera pakimisimusi nekuti kambani inovatengesera mushonga wekuchenura mvura yakatadza kuvapa huhwandu hwemishonga inokwana.

Asi vati dambudziko iri richaderera munguva pfupi inotevera sezvo mishonga yavakatenga kunze kwenyika yakasvika kuBeira.

Vanoona nezvekupararira kwezvirwere mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vagara vachiyambirawo kuti kushaikwa kwemvura kuri kupa kuti muHarare mupote muchipararira zvirwere zvemanyoka, typhoid necholera mune dzimwe nguva.

Vanoti havo vari kuyedza kubatsira nekupa vanhu nhomba yekunwa kudzivirira zvimwe zvirwere asi mvura yakachena inodiwa nguva dzose.

Gore rapfuura, hurumende yakapa kanzuru yeHarare mvumo yekutora mvura kubva kudhamu reManyame uye izvi zvinobatsirapakuti kanzuru inenge yave kushandisa mishonga mushoma pakuchenura mvura iyi sezvo isina kusviba seyekudhamu reChivero.

VaGomba vanoti kuti dambudziko remvura ripere muHarare, panotodiwa madhamu matsva akaita seKunzvi nemamwe sezvo madhamu aripo akaita seChivero ave nemvura shoma uye mamwe aiunza mvura kuHarare akaita seSeke neHarava asara nemvura shomanana.

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti hurumende yavo ichabatsira kanzuru yeHarare pakugadzirisa dambudziko remvura apo vakashanyira chigayo chemvura cheMorton Jaffray Water Works mukupera kwegore rapera.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG