Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoparura Bhajeti ra2022 Ichiwedzera Mitero


VaStewart Mutizwa
VaStewart Mutizwa

Kanzuru yeHarare nemusi weChipiri yakaparura bhajeti rayo remadhora mabhiriyoni makumi mana nechimwe nezviuru mazana masere kana kuti 41.8 billion RTGS.

Kanzuru yakati inotarosira kuwana 31.5 billion RTGS kubva kumitero iyo yakakwidzwa nezvikamu zvinobvira pazvikamu makumi maviri nezvisere kubva muzana zvichenderena nekuti munhu anogara kunzvimbo ipi. Vakuru veguta vakatiwo imwe mari inosvika mabhiriyoni gumi yema RTGS yacho ichabva kuzvikwereti, rubatsiro kubva kwakasiyana siyana pamwe nedzimwe mari dzinobva kuhurumende kana kuti maDevolution Funds nekumakambani akaita seZINARA.


VaMhetu vanoti havana kukwidza mitero zvakanyanya sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyane zvinosanganisira denda reCovid-Kana bhajeti iri rikatambirwa sezvariri nehurumende, vanogara kumisha inogara vazhinji vanenge vave kubhadhara maRTGS mazana manomwe nemakumi manomwe nemasere kubva pamaRTGS mazana mashanu nemakumi matanhatu nemashanu kuti vatakurirwe marara pasvondo.

Kumisha inogora vanhu vashoma mari iyi ichakwira kubva pamaRTGS mazana masere nematatu kusvika pamaRTGS churu nezana negumi nemaviri.
Mari mumakirinika iri kukwira kubva pamazana mana nemasendi gumi nemanomwe kana kuti 417 kusvika pamazana mana nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 496 RTGS kuvanhu vakuru kana kuti madhora mashanu ekuAmerica uye vana vanenge vave kubhadhara mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemanomwe kana kuti RTGS297 kana kuti madhora matatu ekuAmerica.

Mari dzemaAmbulance dzichakwira zvakanyanya kubva madhora mazana masere nemakumi maviri kana kuti 820 RTGS kusvika pamadhora churu chimwe chete nemakumi masere kana kuti 1980 RTGS kana kuti madhora makumi maviri ekuAmerica.


VaMhetu vati kunyange hazvo kanzuru ikatadza kuwana mari kubva kumitero vane humwe hurongwa kwekutsvaga mari hwakaita sekutevera zvikwereti zviri muvagari makambani, mabhizimisi nehurumende.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJuliet Masiyambiri, vanogara kuGlen Norah vaudza Studio 7 kuti havana chivimbo chekuti kanzuru ichaita zvayaronga mubhajeti.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reCombined Harare Residents Association, VaRuben Akili, vaudzawo Studio 7 kuti kanzuru inongovimbisa zvaisingaite.

Vati zvingave zvakanaka chose kana kanzuru ikatevedza bhajeti pamwewo nekuti iongororrwe kuti inoshandisa mari sei kana kuti maudit kuti veruzhinji vakutsikane kuti mari iri kushanda zvayakarongerwa.


Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, VaPrecious Shumba, vaudza Studio 7 kuti vanobvumira nekanzuru yeHarare pahurogwa hwekuwanisa vanhu mvura yakachena pamwe nekutaukura marara.

Asi vati kanzuru haifanire kutarisira mari inobva kuhurumende yeDevolution kana kumakambani akaita seZINARA sezvo mari idzi dzichinonoka kuuya uye dzimwe nguva dzisingatouuye zvachose.


VaShumba vatiwo zvakakosha kuti paitwe sarudzo dzema By-Election kuti pasurudzwe makanzura ekutsiva avo vakafa kana kudzingwa vachiti pasara makunzura makumi maviri nevaviri chete izvo zvinoita kuti vaomerwe nebasa.
Pane makanzura makumi maviri nevaviri vakadzingawti va kozoti vaviri vakashaya.

Gore rapfuura kanzuru yeHarare yakaita bhajeti re34 Billion RTGS asi VaMhetu vanoti vakatadza kuwana mari zhinji yavaitairisira nekuda kwekuti vagari vainge vasingabhadhare mitero izvo zvaita kuti vatore matanho ekupedza dambudziko iri gore rinouuya.

Kanzuru yeHarare yakatoita chisungo chekuendesa vanhu vane zvikwereti kumaDebt Collectors, uyewo VaMhetu vati pane dzimwe nzira dzavachashandisa kuti vawane mari dzezvikwereti zvinodarika 7 bhiriyoni zviri muvagari, makambani nehurumende.




Facebook Forum

XS
SM
MD
LG