Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yomisa Basa Vatungamiri veVashandi neNyaya yeKuramwa Mabasa KwavanaMukoti


Kanzuru yeHarare yambomisa vamwe vatungamiriri veZimbabwe Urban and Rural Council Workers Union vanove ana mukoti mukanzuru iyi basa.

Vana mukoti vekanzuru yeHarare ava vari kupomerwa mhosva yekupesvedzera vamwe kuti vasaende kubasa mukuramwa mabasa kwakatanga musi wa 4 Mbudzi. Ikozvino vashandi vakawanda havasi kuenda kumabasa vachiti havana mari dzacho.

Mumatsamba ekumiswa basa avawana, kanzuru inoti yavamisa basa kwemazuva makumi matatu asi vachiwana mihoro yavo kuti vaongorere kuti vane chekuita nekusauya kubasa kwavanamukoti vekanzuru ava.

Mutungamiriri weZURCWU, VaSimbarashe Jame Tafirenyika vati vatambira kumiswa basa kwavo vachipomera kanzuru mhosva yekutyisidzira vanomirira kodzero dzevashandi.

VaTafirenyika vati zvinovakatyamadza kuti vangapomerwa mhosva yekunyengera vamwe vashandi vachiti kusakwana kwemari dzemihoro ndokunosunda mushandi wega wega kuti ade kuwedzerwa mari.

Mumwezve amiswa basa Amai Yeukai Nyamhunga vanova nyamukuta vaudza Studio 7 kuti mihoro yavo haina zvaichaita nekuda kwekukwira kuri kuita zvinhu zuva nezuva. Amai Nyamhunga vakurudzira kanzuru kuti iite hurukuro navo.

Mabharani mukuru wekanzuru VaHosiah Chisango vaudza Studio 7 kuti vambomisa basa nhengo dzeZURCWU idzi vachiti vashandi ava havana kutevedzera nzira dzinotarisirwa pakuramwa mabasa.

Kuramwa mabasa kwevakoti vekanzuru uku kwakauya panguva iyo vana chiremba kuzvipatara zvehurumende vasiri kuendewo kumabasa izvo nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kutyora kodzero dzevarwere zvakanyanya.

Zvipatara zvekanzuru ndizvo zvinotanga kuonekwa varwere vasati vaenda kuzvipata zvikuru zvakaita seParirenyatwa neHarare Central.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG