Accessibility links

Breaking News

Kanzura weZanu-PF neVamwe Vokandwa Mujeri neKurova Musoja neMupurisa


Kanzura weZanu PF muChinhoyi VaVoster Mashevedzanwa nevamwe vavo vapfumbamwe vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana nemhosva yekurova mupirisa nemusoja avo vaida kusunga vanotengesa mari mumigwagwa.

Vachipa mutongo wavo nhasi mutongi wedare muChinhoyi VaTapiwa Banda vanoti VaMashevedzanwa nevamwe vavo vanoti VaDesire Mwarukira, VaFelix Gonesi, VaNjabulo Ndlovu, VaGreythan Nyarukokora, VaSimbarashe Tapfumanei, VaKudzanai Samuel, VaMelusi Ndlovu, pamwe naVaBlessing Nyango avo vanga vakatarisana nemhosva mbiri yekurova mupurisa nemusoja uye yekuramba kusungwa vabatwa nemhosva dziri mbiri idzi. Vabva vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana.

Asi mutongi azovabvisira mwedzi mitanhatu pamhosva imwe neimwe zvichireva kuti vachanopika makore matatu chete.

Musoja nemupurisa vekurohwa ava vanonzi vainge vaenda kunosunga vanhu vanotengesa mari pamukoto panzvimbo inozivikanwa nekuti 24 Hour. Zvinonzi hurumende yainge yaparura hurongwa hwekushandisa mauto ekudivi revasori kana kuti Millitary Intelligence nemapurisa kusunga vanhu vaitengesa mari pamukoto ava.

Asi gweta revamwe vasungwa ava VaTungamirai Chamutsa vanoti vachakwikwidza mutongo uyu kudare repamusoro.

Sezvo VaMashevedzana vabatwa nemhosva uye vari kanzura, VaChamutsa vati izvi zvave kureva kuti munzvimbo yavo mave kutofanira kuitwa sarudzo dzebi-election.

Mutemo wesarudzo unoti kana kanzura akatongerwa mwedzi inodarika mitatu anobva amira kumirira wadhi poitwa sarudzo dzema by-elections.

Asi mukuru weZimbabwe Electoral Commission VaAustin Ndlovu vanoti hapana zvavanoita parizvino kunze kwekunge vaziviswa nemukuru wekanzuru.

Nhengo yeMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa ichigara muward 11 VaTendai Musonza vati vanotambira mutongo uyu uye unoratidza kuti Zanu-PF inoda zvezvibhakera.

Asi veZanu-PF vanoti veMDC vanotambira mitengo yematare kana isiri kuvasungirira chete.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG