Accessibility links

Breaking News

Kanzura Godfrey Kurauone Vonyimwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaGodfrey Kurauone

Mutongi wedare ramejastiriri wekuMasvingo Muzvare Patience Madondo, varamba chimwe chikumbiro chitsva chekuti kanzura weMDCA muWard 4, VaGodfrey Kurauone, vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso vakamirira mutongo wavo sezvo nyaya yavange vachipomerwa yapetwa mudare.

Mejastiriti Madondo pakupera kwekutongwa kwenyaya vati vachapa mutongo wake musi wa 10 mwedzi uno izvo zvaita kuti magweta aite chikumbiro ichi vachiti zvinhu zvachinja kubva pavakambonyimwa chikumbiro chekutanga mwedzi wapera.

Rimwe remagweta aVaKurauone, VaMartin Mureri, vati vave kumirira zuva richapuwa mutongo.

Chikwata chemagweta aVaKurauone chinosanganisirawo VaPhilip Shumba, VaDereck Charamba, VaOmen Mafa uye VaCollen Maboke.

VaShumba vaudza dare kuti mapurisa aive zvapupu panyaya iri kupomerwa VaKurauone haana kupa humbowo hwakati tsvikiti hwekuvasungirira nemhosva yekukuruddzira vanhu kuti varatidzire musi wa31 Nyamavhuvhu nekupisa matayi nekuvhara mugwagwa weMashava-Zvamahande.

Asi mutongi wedare Muzvare Madondo varamba chikumbiro ichi vachiti hapana zvachinja uye pane mukana wekuti mhosva yakaparwa inogona kuendesa munhu kujeri kwenguva refu nekudaro musungawa anogona kutiza.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG